Zvikoro zvoyambirwa…Imhosva huru kushanda zvisiri pamutemo: Kateera

16 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
Zvikoro zvoyambirwa…Imhosva huru kushanda  zvisiri pamutemo: Kateera

Kwayedza

MUKURU wezvedzidzo mudunhu reHarare Metropolitan Province, VaChristopher Kateera, vari kuyambira vakuru vezvikoro zviri kushanda zvisina kunyoreswa zviri pamutemo kuti vasiyane nekatsika aka sezvo iri mhosva inoita kuti vaendeswe kumatare edzimhosva.

VaKateera vakataura mashoko aya svondo rapera pamabiko ekutambidzwa kwezvitupa nemibairo kuzvikoro zvakakunda zvimwe mune zvakasiyana, eChitungwiza District Merit Awards 2015.

Zvikoro zvakawaniswa mibairo yemari nezvitupa zvinosanganisira St Mary’s Primary, Zengeza 8 Primary, Chaminuka Primary, Shingai Primary, Tasimukira Primary, Chinembiri Primary, St Aidains Primary, St Mary’s High neZengeza High.

“Ndine ruzivo rwakanyanya maringe nezvimwe zvikoro zvakazvimiririra izvo zviri kungomera sehowa muChitungwiza.

Zvikoro izvi hazvina kunyoreswa zviri pamutemo kuti zvinge zvichishanda. Saka ndinoti kuvakuru vazvo endai munonyoresa nekuti zvinokanganisa dzidzo uye zvimwe zvacho hazvitokodzeri kuti zvinge zvichidzidzirwa nepamusaka pemavakirwo azvo. Nguva ichasvika apo zvikoro izvozvo zvichavhariswa,” vakadaro.

Vakatenda rutsigiro rwevabereki rwuri kuita kuti mabasa edzidzo afambire mberi zvakanaka.

“Vabereki ndinokutendai zvikuru nekubhadharira vana mari dzechikoro izvo zviri kuita kuti vange vachipasa pamwe nekugona mitambo yakaita sekuimba, kuveza, kupenda, mitambo yechinyakare nezvimwe zvaita kuti tinge tichiungana pano tichivapa mibairo.

“Zvisinei, tichiri kurwadziwa nekuderera kwekupasa kwevana kana tichienzanisa nemamwe makore adarika,” vakadaro VaKateera.

Vanoti bazi ravo riri mushishi kuitisa vadzidzisi zvidzidzo nedonzvo rekusimudzira kupasa kwevana muzvikoro.

VaKateera vanoti dunhu reChitungwiza rakatarisana nematambudziko ane chitsama munyaya dzedzidzo anosanganisira kunonoka kubhadharwa kwemari pasi pechirongwa cheBetter Schools Programmes Zimbabwe (BSPZ) icho chinobatsira mukuvandudza dzidzo.

“Kuburikidza nechirongwa cheBSPZ, Chitungwiza District yakakwanisa kutenga motokari iyo iri kubatsira vabati vemabasa ezvedzidzo kuti vange vachifambisa zvirongwa zvavo mudunhu rino. Imwe mari yakashandiswa mukuvaka mahofisi ezvedzidzo panhamba 32994 Unit D, Seke,” vakadaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey