Zvimwe zvirimwa zvowoma

30 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
Zvimwe zvirimwa zvowoma

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
ZVIRIMWA zviri kune dzimwe nzvimbo dzenyika zvinonzi zvave kutotangisa kuwoma uye zviri kutyirwa kuti zvinogona kuparara zvachose kana mvura ikasaya mazuva mashoma ari kutevera. Mutungamiriri weZimbabwe Farmers Union, VaAbdul Nyathi, vanoti zvirimwa zvizhinji zvichakanaka kunze kweizvo zviri munzvimbo dzekuchamhembe kwenyika.

“Nzvimbo dzisina mvura yakawana uko zvirimwa zvave kusvava dzinosanganisira Matabeleland South, Matabeleland North, kuchamhembe kweMidlands neMasvingo. Kana nzvimbo idzi dzikakundikana kuwana mvura svondo riri kutevera zvirimwa zvinogona kuparara zvachose. Chirimwa chefodya chakarimwa munzvimbo dzakaoma seidzi chinogona kukundikana munyaya dzegoho,” vakadaro.

VaNyathi vanoti varimi vefodya vazhinji vave kutotangisa kukohwa pamwe nekuomesa chirimwa chavo.
Vakakurudzira varimi vezvipfuyo kuti vacherechedze zvirwere zvinogona kunyuka zvakadai seblack leg, quarter evil netungundu.

Zvakadaro, mutevedzeri werimwe sangano rinomirira varimi reZimbabwe National Farmers Union, VaGarikayi Msika, vakati kurimwa kwedonje munyika kuri kuramba kuchidzikira zvakanyanya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey