Zvirimwa zvakatsva

10 Apr, 2015 - 00:04 0 Views

Kwayedza

MAMWE Madzishe ekuGokwe ochema-chema nenyaya yekutsva kwakaita zvirimwa kuburikidza nezuva rakapisa mudunhu iri uye vanoti vanoda kubatsirwa nezvekudya sezvo mhuri zhinji dzakatarisana nenzara.

Ishe Njelele, VaMisheck Njelele (51), vanoti dunhu rose reGokwe harina kumbobvira rakatsvirwa nezvirimwa kusvika padanho regore rino izvo vanoti zvinoda kuti ivo semadzishe neHurumende vaise misoro pamwe chete kuti vanhu vawaniswe zvekudya. “Zvirimwa zvatinorarama nazvo zvakaita sechibage, nzungu, nyimo nezvimwewo zvakapera kutsva zvekuti hatisisina tariro nekuti mashanga akatodonha pasi,” vakadaro Ishe Njelele.

“Mvura yakauya yakawanda ichibva yazoenda zvachose, zvirimwa ndokutsva. Tine varimi vashoma vanorima mumapani nevanodiridzira avo vane tarisiro yekuwana zvirimwa zvishoma zvikuru sechibage. Asiwo tine makoronyera anonzi ari kuenda kuvarimi ava vachitenga chibage ichi chiri muminda vonyorerana pasi navo,” vakadaro Ishe Njelele.

Ishe Njelele vakayambira varimi vemudunhu ravo kuti vangwarire kurozvwa nemakoronyera aya.

“Iyambiro yangu sashe kuti vanhu vasiyane nezvibvumirano zvakadai nekuti vachazoguma vave kutorerwa zvipfuyo zvavo nemimwe midziyo nevanhu ava,” vakadaro.

Zvakadaro, vanoti varimi vakawanda vemudunhu ravo kare vairarama nekurima donje asi vakaregera zvichitevera mutengo waro wakadzikira zvikuru kumisika.

“Tairarama nedonje muno zvino harichatengwa zvakanaka. Izvozvi kutenga bhagidhi rechibage iUS$10 uye tinotarisira kuti mutengo uyu uchakwira munguva pfupi iri kutevera,” vakadaro.

“Hakuna kwatinoti kwakaibva kuno kuGokwe yose kubvira kuno kwangu, kwaNemangwe, Chireya, Madzivazvido, Mashame, Gumunyu, Nembudziya, Makore, Goredema, Chimuchembo, Nenyunga, Mukoka, Jiri, Mutendi, nedzimwe nzvimbo dzakasiyana tinoda kudya kuno. Hongu tinonzwa kuti nyika yose kwakatsva asi tinozvichemera isu toga,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey