Maitiro aPondai

11 Aug, 2017 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
9. NDEAPI matanho mashanu anotorwa naPondai pakupamba umambo hwaMambo Chakaingesu muna Museve Usingapotse? Tsigira mhinduro yako uchiratidza kuti danho rega rega rinomubatsira sei. [25]

Danho rekutanga rinoshandiswa naPondai kunyepa. Rinoonekwa paanonyepera Mambo Mupambi kuti Mambo Chakaingesu vakanga vapamba umambo hwababa vake asi ari iye aitoda kubvuta umambo husiri hwake. Izvi zvakaita kuti Mambo Mupambi vazomupa tsori dzavo dzehondo, Marizani naKunjerekunjere vaakadzokera navo kumusha kuti vanosora dunhu raMambo Chakaingesu.

Pondai anotora danho rekutsvaga hondo yaizomubatsira kurwa. Izvi zvinoonekwa paanosvika achidonhera pamakumbo paMambo Mupambi. Akanga apoterako nekuti aida kupiwa rubatsiro rwemauto ekurwisa Mambo Chakaingesu kuti agovapamba umambo hwavo. Hondo iyi yakazomubatsira kuti akwanise kuuraya Mambo Chakaingesu pavakanga vava kurwisana nemauto aMambo Mupambi.

Imwe nzira inoshandiswa naPondai kufurira Tafirenyika mwanakomana wake kuti auraye Karinge.

Tinozviona paanomuudza asati aenda kusango kunovhima nevamwe vakomana achimuti azouraya Karinge mwanakomana waMambo Chakaingesu nemuseve nekuti aida kubvuta umambo hwababa vake. Izvi zvinomubatsira kuti azowana chipomero chekuda kuuraisa Karinge achiti akanga auraya mwana wake.

Rimwe danho rinoshandiswa naPondai kuuraya Mambo Chakaingesu. Danho iri rinobuda paanovabaya pabendekete nemuseve vari pakati pekurwisa hondo yaMambo Mupambi, ndokuzovapedzisa nemimwe gumi vachibva vafa. Zvinomubatsira kuti asare achipamba umambo nemadzimai aMambo Chakaingesu mushure mekunge atanga kugara pachisuwi.

Danho rekupedzisira rinotorwa naPondai kukanda chitunha chaMambo Chakaingesu mudziva. Izvi zvinoonekwa paanochitakura aina Tapera ndokuchisungirira matombo vachibva vachikanda mudziva. Izvi zvakamubatsira kuti pasaitwe chivanhu chaizogona kumubatisa nanagodobori kuti ainge auraya mambo ouraiwawo.

10. Ndezvipi zvinoitwa nevatambi vanotevera zvinoita kuti rungano rwuri muna Museve Usingapotse rwufambire mberi? (a) Pondai, (b) Mambo Mupambi, (c) Tapera, (d) VaMatose, (e) Chivhere [25]

Zivai kuti mazita evatambi anokwanisa kushandurwa pachiiswa mamwe.

(a) Pondai aiva jinda guru raMambo Chakaingesu

Anopotera kwaMambo Mupambi asina kuoneka VaMasariranhamo, mudzimai wake. Izvi zvinoita kuti VaMasariranhamo vasare vachinetseka nekusadzoka kumba kwake ndokuzoudzawo Mambo Chakaingesu vanozonozvibvunzira kun’anga. Anokumbira Mambo Mupambi kuti vamubatsire nemauto ekurwisa Mambo Chakaingesu.

Izvi zvinokonzera rufu rwaMambo Chakaingesu nevamwewo vaisanganisa makurukota avo, Nyahwedekwe uye kupambirwa mombe zana nevanasikana vavo naMambo Mupambi.

(b) Mambo Mupambi vaiva shamwari yaMambo Chikwirandaombera

Vanopa Pondai tsori dzekuenda nadzo kunosora dunhu raMambo Chakaingesu. Izvi zvinoita kuti Kunjerekunjere azorumwa nenyoka ndokufa vari munzira kudzokera kumusha kwavo kwaMambo Mupambi vachibva kunosora dunhu raMambo Chakaingesu. Vanobatsira Pondai kurwisa nekuuraya Mambo Chakaingesu zvakakonzera kuti azovapa mombe zana nemhandara gumi dzaisanganisa hanzvadzi dzaKaringe.

(c) Tapera aiva jinda guru raMambo Chikwirandaombera

Anorandutsira Mambo Chikwirandaombera kuti vasarambe vachirova Karinge. Ndizvo zvinoita kuti Karinge azosungwa mbiradzakondo nemadandadzi padanda raive nemasvosve naPondai. Anorarisa paakanga akachengeta Karinge neshamwari dzake vaive muimba yevasungwa vaMambo Chikwirandaombera. Izvi zvinoita kuti Karinge neshamwari dzake vatize vachinopotera kwaMambo Tineshungu uye atizewo achizopotera kwaMambo Mushoshoma ave kutya kuuraiwa naMambo Chikwirandaombera.

(d) VaMatose vaiva hanzvadzi yaMambo Chakaingesu

Vanodzidzisa muzukuru wavo, Karinge kudeketera midzimu yedzinza ravo. Izvi zvinoita kuti asazonetseka kusuma midzimu yavo paaida kurwisa Pondai akanga apamba umambo hwavo. Vanochengeta Karinge neshamwari dzake kwemazuva mashanu vabva kunopotera kwaMambo Tineshungu zvinoita kuti vakwanise kupota vachiongorora shanduko dzese dzaive dzaitwa naPondai mudunhu ravo, vasati vatanga kumurwisa.

(e) Chivhere aiva mukuru wemauto aMambo Tineshungu

Anokanda Karinge muchidziva chaive negarwe, zvinoita kuti Karinge azouraya garwe raMambo Tineshungu mushure mekunge arwisana naro zvakaomarara. Anorambidza Karinge kuti apinde mumuzinda waMambo

Tineshungu kuti anotora hanzvadzi dzake dzavaive vatapa. Izvi zvinoita kuti Karinge azoronga hondo yekurwisa Mambo Tineshungu nekuvaparadza ndokutora hanzvadzi dzake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey