911 Band yatiza ne’bag’ rine US$15 000

18 Oct, 2023 - 12:10 0 Views
911 Band yatiza ne’bag’ rine US$15 000 Chikwata che911 Band

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

CHIKWATA che911 Band chekuGweru, kudunhu reMidlands, ndicho chakahwapura mukombe ndokuenda kumba nemubairo weUS$15 000 mumakwikwi ekuimba eChibuku Road to Fame 2023 National Finals ayo akaitirwa paTakashinga Cricket Club, mumusha weHighfield, muHarare nemusi weMugovera.

High Five yekuMashonaland Central yakatora mubairo wechipiri ndokupihwa US$10 000 ichiteverwa nechikwata cheKweseka chinobva kudunhu reMatabeleland North icho chakawanawo US$7 000.

Chikwata che911 Band chine nhengo nhanhatu idzo dzave nemakore anodarika mashanu dzichiimba uye chiri kutarisira kuparura dambarefu racho idzva munguva pfupi inotevera.

Muhurukuro neKwayedza mushure mekutambidzwa mubairo, mutungamiriri wechikwata ichi, Taona Tiakude, anoti kubudirira kwavakaita pamakwikwi aya kwakabva mukushanda nesimba.

“Gavi rakanaka rinobva kumasvuuriro, ndinotenda zvikuru nerutsigiro rwatiri kuwaniswa kuGweru kwatinobva nevese vakava nechivimbo nesu. Chikuru chatakaita kushanda nesimba uye nemweya wehumwe, tinofara nekuti takwanisa kukwira makata mumakwikwi ekumusoro enyika yose.

“Tine dambarefu idzva ratiri kuparura munguva inotevera saka tichashandisa mukana watapihwa wekondirakiti yekurekodha kuti titsikise nziyo dzedu zvine hunyanzvi. Tinovimbisa kuti hatisi kuzonyadzisa vatsigiri vedu,” anodaro.

Vaimbi vane mukurumbira vanosanganisira Alick Macheso, Feli Nandi naTocky ndivo vakatandadza veruzhinji padopiro iri.

Zvimwe zvikwata zvakakwikwidza asi zvikazokundikana kupinda muTop 3 zvinosanganisira Mazwe chemuHarare, Famous Mighty (Mashonaland East), The Visionaries (Mashonaland West), Deze RaWasu (Manicaland) naZiyaduma Express chekuMatabeleland South.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey