Bee Wezhira ave nemwanasikana

03 Jan, 2024 - 10:01 0 Views
Bee Wezhira ave nemwanasikana Bee Wezhira

Kwayedza

Munyori weKwayedza

NYANZVI yenyambo – Beatrice Mudzingwa – uyo vazhinji vanoziva saBee Wezhira asununguka mwanasikana.

Achinyora papeji rake repaFacebook nhasi, Bee Wezhira atumira mufananidzo wake akabata mwanasikana wake vari muchipatara ndokunyora kuti: “Mhoroi mhuri, musi wa2 Ndira 2024, Mwari vakatikomborera nemwanasikana.”

Mumaawa maviri anyora izvi nekutumira mufananidzo wake, vatsigiri vake vanosvika 14 000 vamhanya kumukorokotedza.

Vamukorokotedza vanosanganisira Madam Boss, Gamuchirai Dube, Xoey Chimombe, vaimbi Dorcas Moyo naMai Patai, Anna Chibaby Honde, Mbuya VaPiyasoni naPatricia Putsai.

Share This:

Sponsored Links