Kudhakwa hakuna chimuko: Gidza Boy

12 Feb, 2024 - 12:02 0 Views
Kudhakwa hakuna chimuko: Gidza Boy Gidza Boy

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI weAfro-pop ari kusimukira – Gilbert Kanzira (15) – uyo anonyanya kuzivikanwa saGidza Boy, anoti anonzwa kurwadziwa zvakanyanya kuona upenyu hwevechidiki huchikanganiswa nezvinodhaka.

Gidza Boy, uyo ari kuita zvidzidzo zveForm 2, anoti zvakakosha kuti vechidiki vasiyane nekushandisa zvinodhaka sezvo zviri kudzorera upenyu hwavo kumashure.

“Tiri kurasikirwa nevechidiki vakawanda avo vari kuny’udzwa nekuda kwezvinodhaka. Ini ndiri kuti kune vechidiki ngatisiyei zvinodhaka nekuti hapana zvazvinotipa muupenyu hwedu kunze kwenhamo nematambudziko.

“Vechidiki vakawanda raramo yavo iri kuenda mudondo, vamwe vari kungodzengerera vasina kwavakananga kana kusvika pakupara mhosva nekuda kwezvinodhaka, kuchitiwo vamwe vari kutorasikirwa neupenyu hwavo.

“Naizvozvo ndinoti ngatisiyei zvinodhaka, ngatisabvume kufurirwa kutora zvinodhaka nekuti zviri kuuraya isu vechidiki zvichikanganisa remangwana redu,” anodaro.

Gidza Boy, uyo pari zvino ari kupisa nekambo kanonzi “Need You”, anoti ari mushishi kubika dambarefu rinonzi “Gidza Boy and Friends” iro anotarisira kuzoparura munguva inotevera.

Anoti kushanda nevamwe vaimbi kunobatsira zvikuru mumhanzi sezvo achikwanisa kudzidza kubva kune vamwe.

“Kubva zvandapinda mune zvemhanzi, ndadzidza kuti kushanda nevamwe vaimbi kwakakosha sezvo kuchibatsira kuti sevaimbi tese tisimukire.

“Naizvozvo ndiri kubika dambarefu rangu idzva rinonzi Gidza Boy and Friends ndichishanda nevaimbi vakasiyana avo ndinovimba kuti vachandibatsira mukusimukira kwangu mune zvekuimba,” anodaro.

Gidza Boy akapinda mune zvemimhanzi mugore ra2022 apo akatsikisa dambarefu rake rekutanga rinonzi Manake raive nenziyo dzakanetsa dzinosanganisira Amai Vangu ako akaimba naShantell Sithole, kuchiti kamwe kanonzi Ziso kaakaimba naMathias Mhere.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>