Dambudziko remari, indomene here?

03 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

HAZVIDI kuenderwa kun’anga kana zviporofita kuti vanhu munyika panguva ino vari kufamba nekanzira kanoti rwadzei.

Mari (cash) iri kunetsa zvokuti zuva nezuva tave kuona zvinhu zvakange zvapera kare kare — mitsetse yakareba yavanhu vanenge vari pamabhangi vachitsvaga mari. Unoshaya kuti basa racho vanozoshanda riinhi!

Ukamira pamitsetse iyi, unonzwa mavhu namarara ezvinotaurwa, zvokuti vanoumba zvisungo zveupfumi muHurumende nemakambani vakambonomira mumitsetse iyi vanonzwirira, uyewo vanogona kutobva nedzimwe pfungwa dzinogona kususukidza bandika rapindana nenyika panguva ino.

Vazhinji vanenge vari mumitsetse iyi havazorori kutaura kuti vave kudzorerwa zvakare kunhamo ya2005 kusvika 2008, Hurumende isati yatora matanho akasimba zvikuru okuti vombomisa kuti mari yomuZimbabwe (Zimbabwe dollar) ishandiswe, kusvikira chimiro choupfumi chagadzikana. Mukudaro uku, vakatora danho rokuti nyika ishandise mari dzedzimwe nyika (multi-currency), dzinosanganisira mari yokuUnited States of America, yokuSouth Africa, Botswana, Britain, Japan, Germany, Europe, China nedzimwe.

Idanho rakapa vanhu tariro yakakura yokuti upfumi hwave kuvandudzwa, mabasa achiwanikwa, nerimwe divi vanhu vachibudirira. Kubva 2009 kusvika nhasi uno ndezvipi zvakaitwa nemari yokunze iyi? Pamusana pei nhasi nyika yapinda mutsekwende yokushaya mari?

Chimwewo chinobvunzwa navanhuwo zvavo kunyanya vanotorera mari dzavo kumabhangi ndechokuti pamusana pei vanhu vakawanda vakashaya chivimbo namabhangi, vakachengetera mari dzavo kudzimba, vamwewo vachiwana mikana yokubuda nemari yakawanda-wanda vachinoichengetera kune dzimwe nyika?

Sei mitemo yezvokufambiswa kwemari makore ose aya yakaramba iri zinyeke-nyeke, nokuti zvinonzi mari zhinji ndiyo yakabuda munyika uyewo nokuvigwa kwakasiyana-siyana?

Zvakange zvisiri pachena here kuti Zimbabwe yakange yave kunge musika wevanhu vokune dzimwe nyika wokuwana mari yokuAmerica, pamusana pokuti ndiyo mari inogona kushandiswa munyika ipi zvayo pasi rese?

Umire pamitsetse iyoyi, unonzwawo vanhu vachiti zvaimbogoneka seiko kuti munyika mune maindasitiri akavharwa akawanda, zvichireva kuti hapana mari yakawanda inopinda munyika, kozouyawo zvirango zvoupfumi zvakatarwa makore 16 akapfuura kuve navanhu vanotambira mazimari marefu-refu, kufanana nanaCuthbert Dube? Nhasi uno maMedical Aid Society ave parumananzombe nokuti havasi kukwanisa kubhadhara vana chiremba nenguva. Chii chaitora nzvimbo?

Vamwewo vanobvunza kuti huori hwave kunge gomarara, asi sei zvichinzi vanhu vakafumurwa, haunzwe kuti munhu asungwa, uyewo kuti kukasungwa vashoma-shoma, unozonzwa kuti vaburitswa nebail? Kazhinji kacho hauzombonzwa nezvenyaya dzacho. Vamwe ndivo vaunonzwawo zvonzi vakatiza. Gomarara rikanonokerwa rinouraya.

Kwouya ruzhinji rwunoti hongu dambudziko variona uyewo kuti matanho ari kutorwa neHurumende (Reserve Bank of Zimbabwe) anosanganisira kuunza maBond coins nemaBond notes, uyewo kushandisa macard avo okumabhangi pakutenga zvinorerutsa dambudziko, ko vasina macard okumabhangi, vanove vazhinji voringepi? Ko vasiri pazvirongwa zvokuchengeta mari mufoni seEcocash, Telecash nezvimwe vanoitawo sei?

Ko iwo mabhizinesi asina michina yavanoti maPoint of Sale (POS), vanoita sei?

Mabhizinesi mazhinji haana zvese izvi, kusanganisira ruzhinji rwavanhu. Saka dambudziko richipoka?

Ndopedzisira nezvagara zvichishungurudza vanhu makore ese aya. Vanhu vanobvunza kuti kuchazove riinhi kuti vasangane nezvizvarwa zvechiAsian (nokuti vese havasi vokuIndia), kana zvizvarwa zvokuChina zvakamirawo mumitsetse mumabhangi, vachiisa mari dzavo mubhangi, kana kuti vachitorawo?

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey