100 000 vovhenekwa Covid-19

23 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
100 000 vovhenekwa Covid-19 Dr Chonzi

Kwayedza

Paidamoyo Chipunza
VANHU vanosvika 100 000 vachavhenekwa chirwere cheCovid-19 munyika yose kutanga svondo rino senzira yekumisa kupararira kwedenda iri panguva iyo huwandu hwevari kubatwa nacho huri kukwira.

Danho iri riri kutorwa kuitira kuti pazivikanwe vane hutachiona hwechirwere ichi uye kuronda vavakasangana navo kuitira kuti vachengetwa kwavo voga, chirwere chomira kupararira.

Chirwere cheCovid-19 chinokonzerwa nehutachiona hunodaidzwa kuti coronavirus.

Kusvika nemusi weSvondo, Zimbabwe yange yava nevanhu 1 611 vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa.

Pavanhu ivava, 472 vakatonaya asi vamwe 25 vakafa.

Vanhu 101 375 vavhenekwa chirwere ichi munyika yose.

Dr Prosper Chonzi — avo vanova mukuru webazi rinoona nezveutano mukanzuru yeHarare — vanoti pasi pechirongwa ichi, muHarare muchavhenekwa vanhu 30 000.

Vanoti gadziriro yechirongwa ichi, icho chichaitwa pakiriniki yoga-yoga iri pasi pekanzuru iyi, dzave padanho repamusoro.

Dr Chonzi vanoti pari zvino vashandi vavo vari kudzika matende pamakiriniki umo muchavhenekerwa vanhu vanenge vachida.

“Tiri kusimbaradza chirongwa chekuvheneka vanhu Covid-19. Pari zvino vashandi vedu vari mushishi kudzika matende kuitira kuti chirongwa ichi chitange,” vanodaro.

Vanoti chirongwa ichi chichaona zvakare vashandi vezveutano vasati vawana dzidziso pamusoro pechirwere ichi vachidzidziswa.

Dr Chonzi vanoti kuvhenekwa kuchaitwa vanhu uku kuchabatsira kuti kanzuru yavo izive mamiriro akaita zvinhu, izvo zvinozoita kuti ikwanise kugadzirira zvine hungwaru.

Vachitaura pamusoro pekuwanda kuri kuita vanhu vari kuwanikwa vaine Covid-19 mushure mekunge vafa uye mitumbi yavo yavhenekwa nemachiremba, vanoti ichi chinogona kunge chiri chiratidzo chekuti nyika ino haizi kunyatsofambisa chirongwa chekuvhenekwa kwevanhu sezvinotarisirwa.

Dr Chonzi vanoti nerimwewo divi, zvinogona zvakare kureva kuti vamwe vanhu havazi kuzvipira kunovhekwa mushure mekunge vaona zviratidzo zvechirwere ichi.

Vanotiwo chirongwa chekuti vanhu vasafambe zvisina tsarukano chakakosha zvikuru sezvo chichipa mukana kunyika wekuti itore matanho ekudzivirira kupararira kweCovid-19.

“Kana tichitarisa kukwira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi uye nevari kufa pamwe chete nemikaha iripo panyaya dzeutano, tinofanirwa kusimbaradza chirongwa chekuti vanhu vasangofambe-fambe kwesvondo rimwe chete kana maviri kuitira kuti mamiriro ezvinhu adzikame,” vanodaro Dr Chonzi.

Dare reCabinet svondo rapera rakazivisa kuti chirongwa chekuti veruzhinji vasangofambe-fambe chichasimbaradzwa.

Kuvhurwa kwezvikoro, uko kwaifanirwa kuitwa svondo rinouya, kwakapfuudzwa kumberi senzira yekumisa kupararira kweCovid-19.

Chirwere ichi hachisati chawanirwa mushonga wekuchirapa pasi rose.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey