Garai kumba:ZIFA

12 Nov, 2020 - 10:11 0 Views
Garai kumba:ZIFA Wellington Mpandare

Kwayedza

Abel Ndooka

MANEJA wechikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors Wellington Mpandare oyambira vatsigiri vangade kuenda kunoona mutambo weZimbabwe neAlgeria uyo uchatambirwa muno nemusi weMuvhuro unotevera wekurwira kuenda kumutambo we2021 Africa Cup of Nations kuti vasaende kunhandare asi kuti vaone mutambo uyu vari kudzimba dzavo.

MaWarriors nemaDesert Foxes ekuAlgeria, iyo ine vatambi vane mukurumbira vakaita saRiyad Mahrez anotambira Manchester City yekuEngland naIsmael Bennacer weAC Milan (Italy), vari kusangana mumitambo miviri yemuboka ravo reGroup H.

Mutambo wekutanga uriko husiku hwemusi weChina chino kuAlgeria uye wechipiri uchange uri muno kunhandare yeNational Sports Stadium nemusi weMuvhuro unotevera.

Boka iri rine zvimwe zvikwata zvinoti Botswana neZambia.

Mitambo miviri yevakomana vaZdravko Logarusic, murairidzi wemaWarriors, neAlgeria yakakosha zvikuru uye vanofanirwa kutora zvibodzwa zvose kuti vaende pamusoro muboka ravo iri vagowana mukana wekuenda kumakwikwi e2021 Africa Cup of Nations ayo achaitirwa kuCameroon.

Mutambo wemaWarriors wemusi weMuvhuro uchange uri wekutanga kutambirwa munyika muno kubva pakamiswa mitambo pasi rose nechinangwa chekurwisa kupararira kweCovid-19.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, maWarriors asati asimuka akananga kuAlgeria, Mpandare anoti vatsigiri venhabvu havasi kutenderwa kunhandare kuchange kuchitambwa mutambo uyu muno.

“Vatsigiri venhabvu havasi kutenderwa kunhandare saka ngavagare kudzimba dzavo. Nemusi weMuvhuro patiri kusangana neAlgeria muno hakuna ari kutenderwa kuuya kuzoona nhabvu, mutambo uyu uchatambwa pasina vatsigiri.

“Isu tiri kutevedzera matanho akatorwa neHurumende, hatidi kuisa utano hwevatambi vedu nehweruzhinji panjodzi saka vanhu ngavagare kudzimba dzavo,” anodaro Mpandare.

Anoenderera mberi achiti, “Ngatisazoti hatina kupa yambiro, kuchange kune vemitemo vachichengetedza vachiona kuti hapana ari kupinda munhandare.”

Zvakadaro, sangano revatsigiri vemaWarriors reFriends of the Warriors rinoti riri kuronga nzvimbo dzichaonerwa bhora nevatsigiri nemusi weMuvhuro.

Mutungamiri wesangano iri Edward Chimedza anoti sezvo kunhandare kusiri kutenderwa kuti vanhu vapinde, sevatsigiri vari kutsvaga nzvimbo dzichaungana vanhu  vasingadarike 100 kuitira kuti vakwanise kuona mutambo uyu pamaterevhizheni.

“Isu tinoziva kukosha kwemitambo miviri iyi saka tiri kuitawo zvatinokwanisa kuti titsigire chikwata chedu. Tichaungana sevatsigiri kunzvimbo dzakasiyana uko tinenge tichitevedzera hedu mitemo yese yesocial-distancing kuti vanhu vasaite chitsoko-tsoko.

“Saka tine nzvimbo dzakawanda dzatichange tichishanda nadzo. Vakomana vedu vanofanira kuziva kuti tinavo uye tiri kuvatsigira, ivo ngavabate basa sebasa,” anodaro Chimedza.

Mumitambo mina yakapedzisira kusangana zvikwata zviviri izvi, maWarriors haasati ambokundwa neAlgeria.

Zvikwata izvi zvakaita mangange katatu uye maWarriors akahwina mumwe mutambo wacho.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey