A-LEVEL — MASIMBA…Chenai naStanley vanoenda Harare…Anonyengedza amai vake

13 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
(Mavambo nemagumo naKeresia Chateuka)
ONGORORO (Enderero mberi)
Maererano neupfu hunenge hwapera mumba, tinoona baba vemba vasingadi kunzwisisa kuti zvinhu zviri kufamba sei vongoti chete, “Saka munoda kuti ndiite seiwo?” Rimwe dingindira ratinosangana naro nderekuti muchivanhu chedu kana pachinge paita urwere hapashaikwi anonongedzerwa kuti ane chekuita neurwere hwacho.

Papeji 4 tinonzwa amai vemba vachiti, “Pazvinenge zvataurwa vanhu hamuzoshaya wamunonanga kuti ndiye abatwa. Nguva zhinji vanhu vanofunga nezvemunhu anenge achiita zvinhu zvine budiriro. Saka apa hazvina kutinetsa kuwana wataifungira (4).
Kudimikira kushoma tinokuonawo mukanyaya aka.

Dimikira rekutanga tinosangana naro richitiudza kuti kunesu vanhu vatema ukama chinhu chinokosha chaizvo, haungobviswi manga-manga saka zvichidimikirwa zvichinzi, “Ihwo hwakazombogezwa nesipo here?” (2).

Amainini vaamai vemba vane kamuitiro kavo ako vasingadi kusiyana nako saka amai vemba vachiti, “Takangoti iyi ishiri ine muririro wayo” (3).
‘‘Amai vemba vanga vachishuvira chinyararire kuti amainini vabvume kuenda kumusha saka zvichinzi, “Ndakaramba ndichikwenya mhuno nakasiyanwa” (4).

2. “KUNYENGEDZWA HAKUNA AKURA” naVirginia Mupondi
Nyaya yacho:
Stanely anodanana naChenai kwemakore maviri posvika nguva yekuti vaende kunoona mukoma waStanely. Ndipo pavanosvika pamusha pacho paine pwere chete, vabereki vacho John nemudzimai wake vaenda kurufu. Musi uyu vaviri ava vanopihwa imba imwe chete yokurara nekuti vana vainge vasingazivi kuti vakaroorana here kana kuti kwete. Musi uyu vaviri ava vanotamba sematambiro avo mazuva ose sezvo paive nevana chete.

Chenai ainge asiya anyebera amai vake achiti ainge achienda kumba kwasekuru vake kumusha kwaamai wake nyamba iye aienda Harare kumukomana wake. Pakudzokera kumba amai vanomubvunza kuti vanambuya nasekuru vanogara vachinetswa nemiviri vakadani zvavo iye ndokunyepa achiti vainge vari vatano.

Nguva yekudzokera kuchikoro paDaramombe, uko Chenai aidzidza, yave kukwana.
Chenai anoenda kunooneka sekuru vake nambuya VaNdondo avo vanomurayira kuti azvibate zvakanaka kuchikoro.

Aenda kuchikoro, amai vaamai vaChenai vanosvika pamba paamai vaChenai avo vanovabvunza kuti vakadini kuvapirawo Chenai nyimo dzemutakura ivo ndokupindura vachiti Chenai wacho akauya kwavo riniko.

Mai vaChenai vanoti akauyako svondo rainge rapfuura. Ainge ati haangaendi asina kuvaona ndokubva aita mazuva maviri asiri pamba pavo achidzoka achiti sekuru nambuya vainge varipo vose.

Mbuya vanoti vakapedzisira kuona Chenai pazororo rainge rapfuura apo pakaroorwa mukoma wake, asi kusvikira zuva iri havasati vamuona. Amai vaChenai vanoona kuti kana vakataurira baba vacho pangamuke zvimwe. Kudya sadza nehuku kunovavavira nekuda kwemashoko avainge vanzwa.

Ongororo:
Musoro wenyaya unonyatsa kupindirana nezviri kutaurwa munyaya. Hazvinei kuti munhu wakura zvakadini, kunyengedzwa uku hakuna zera.
Ungati ndakangwara zvakadini asi nerimwe zuva uchadyira chete. Mai vaChenai vava mukadzi mukuru ava kuziva zvakawanda asi vakanyengedzwa nemwanasikana wavo.
Kana uya anenge agara muHarare kwenguva yakareba, unomunzwa achiti nerimwe zuva akanyengedzwa.

(Enderero mberi svondo rinotevera.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey