A-LEVEL — PAFUNGE: Rudo anonetsekana nemaitiro aJoe Rug

13 Feb, 2015 - 09:02 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 2 (Ongororo: Enderero mberi)
Tinova nepfungwa yekuti mwanasikana akasunungukwa ndokusiiwa anofanira kunge ari Rudo. Nepamusaka pecharinga chaRudo haagoni kunyatsa kubata nyaya iyi. Nekudaro isu vaverengi nemukadzi waVaMasango tine ruzivo nezvakaitika, izvo Rudo asina ruzivo nazvo.

Magariro evanhu vemumusha wevatema weMutapa muGweru (living conditions) anotaurwa nezvawo paPeji 4. Tinonzwa zvichinzi, Mukadzi mukuru aiwaridza mubhedha, vanakomana vachiwaridza pasi. Avawo vanasikana vakanga vamirira kuti mwenje udzimwe vagokurura hembe vorara pakati pemba” (4). Imba yacho inenge izere nevanhu. Pamumwe mubhedha pagere mumwe mukomana asiri kutaura nevamwe.

Tarisiro dziva (irony) tinoiona ichishandiswa. Kazhinji kacho kana taona chikwangwari chakanyorwa kunzi “Beware of the dog” tinobva tafunga kuti pamba apa pane imbwa inoruma kana dzinoruma. Zvino “Rudo akafunga kuti pakanga pakanzi Beware of the dog paireva kuti vanhu vangwarire kusakuvadza rumbwa urwu nokuti kuda muridzi warwo aizovarova, kwete kuti irwo pacharwo rwaiva nezvarwaikwanisa kuita munhu” (4-5).

Tinodzidza nezvetsika nemaitiro evanhu kana ari iye Joe Rug, hwahwa anohunzwisisa chaizvo sezvo zvichinzi “aihudusva zvechokwadi” (8). Rudo ane chirwere chekuda kungotarisa chose chaasangana nacho izvo zvinotsanangurwa pachishandiswa enzaniso apo zvinonzi ainge aine chiringa “chainge chepwere” (3).

Dzimwe enzaniso dzinotevera dzinobatsira muverengi kuti anzwisise maitikiro ezvinhu. Vanhu vainge vari mumba iyo Rudo aitarisa mairi vainge vakawanda izvo zvinonzi imba iyi yakanga izere nevanhu “sebhazi” (4).

Mubhawa rainge riri besanwa revanhu avo vainge unzanzanza “hunenge danga remombe dzaMunhumutapa” (5). Vamwe vanhu vainwa hwahwa vaiita sevanosvikirwa neshavi rokunwa doro izvo zvinonzi ruzhinji urwu rwainge rwuchishapira hwahwa “souna mashavi” (5).

Muchinda wekuumburuka mumadhaka uya anopaumba achityisidzira achiti akati vanhu vanyarare, vanobva vaita izvi “somusvondo” (6). Patinotaurirwa nezvaJoe Rug tinoudzwa kuti muchinda uyu ainge akanamwa nehwahwa, akagurungana “senyoka” (8) pane rimwe kona rebhawa. Madhakirwo acho aainge akaita anotsanangurwa achinzi murume uyu chipanda change chirimuchipande, chamukunga “sehata” (8).

Kudimikira kunoshandiswawo. Mukadzi waVaMasango apo akatanga upenyu hwemuGweru ainge achiri mutsva asati ajairana neupenyu uhwu izvo anodimikira achiti, “tichiri vadzidzi vetsambo” (5). Asi iye zvino tava vashongi vamakoza nendarira” (5) zvino vajairana nahwo upenyu uhwu. Vanhu hakusi kuwanda kwavakaita ikoko mubhawa umu, “mombe dziri mudhibha dzikasara pasi wani” (6).

Kuzoti iye murume uya wekuumburuka mumadhaka, “Maziso piriviri mhiripiri yatsvukira nani” (6) uyewo kusviba kwaainge akaita “tsubvu dzikanga nani kusviba pameno ake” (6). Vanhu vanoda kupota vachiravirawo zvinonaka muupenyu zvinotaurwa naVaMasango apo vanoti “tichidzidzisa vanhu kudya nyika rutivi” (8).

CHITSAUKO 3 (Nyaya yacho)

Rudo anoshungurudzika zvikuru neupenyu hwaanogara nemurume wake uyo anogarouya kumba akadhakwa zvekusaona nzira uyewo haana nyaya naRudo. Kunyangwe zvazvo zvakadai, Rudo ane rudo rukuru kuna Joe Rug uyo aiti kana auya neshamwari dzake kamba kaiti shaku kuzara vachitaura nyaya dzavaiti ndedzebasa ravo. Mukadzi waVaMasango ndiye anombopota achidzora moyo waRudo apa ainge adzimbikana neshungu.

Rudo aiswera achitevedzera mumvuri wemadziro emba achiruka zvipfeko zvemwana.

Enderero mberi svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey