Uncategorized

Afa anwa mushonga wekudzinga mamhepo

24 Jul, 2022 - 07:07 0 Views
Afa anwa mushonga wekudzinga mamhepo Gavakava

Kwayedza

Nomthandazo Masuku

MUDZIMAI anga ave nemakore 44 okuberekwa wekuNorthend, kuBulawayo anonzi akafa mushure mekunwa mushonga waakapihwa nen’anga apo aive aenda kunoshandirwa pamatambudziko aaisangana nawo.

Mushonga uyu unonzi wainge wagadzirirwa kunzi udzinge mweya yetsvina yaitambudza Sofia Soko.
Soko anonzi akanotsvaga rubatsiro kun’anga iyi yekuNketa 6 kuBulawayo kwakare nemusi wa2 Chikunguru uko akaperekedzwa nemurume wake, Wilson Ndalema.

N’anga iyi inonzi yakapa Soko gavakava (aloe) rekuti anwe pamwe nemushonga waive wakagaiwa weruvara rwupfumbu unozivikanwa nekuti murindagomo uyo waifanira kusanganiswa nebota kuti agodya uye nemidzi yemuti wemuora uyo aifanirwa kupfekera kusikarudzi yake.

Mudzimai uyu akapihwa zvekare mafuta ewanganuro.
Soko anonzi akatanga kusanzwa zvakanaka mushure mekushandisa mishonga iyi.

Zvisinei, utano hwake hwakatanga kuderera zvakanyanya nemusi wa11 Chikunguru uye zuva rimwe chete iri nenguva dza9 mangwanani, akabva aendeswa kuchipatara cheMpilo Central Hospital uko akanopihwa mubhedha.
Akazoshaya kwapera mazuva matatu nemusi wa14 Chikunguru kuma6 dzemanheru.

Mutauriri wemapurisa kuBulawayo, Inspector Abednico Ncube vanotsinhira nyaya iyi vachiti; “Tiri kuferefeta nyaya yekufa kwemumwe mudzimai zvisina tsarukano.

“Tinokurudzira veruzhinji kuti vashanyire zvipatara kana vasiri kunzwa zvakanaka.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey