Uncategorized

Akaba pefiyumu ye$4

02 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
NYAYA yekuda kupfapfaidza tunonhuwirira pamuviri senzira yemucheno yakaparira murume wekuBeatricce, uyo akabatwa nemhosva yekuba pefiyumu mune chimwe chitoro cheko.

Tafadzwa Mucheki (31) , uyo anogara kuRetreat, akabvuma mhosva yake paakamiswa pamberi pemutongi Francis Mapfumo mudare reChitungwiza Magistrates’ Court. “Mhosva yangu yekuba pefiyumu ndinoibvuma nokuti ndaidawo kunhuwirirawo,” anodaro Mucheki.

Mutongi Mapfumo akatemera Mucheki chirango chekubvisa faindi ye$10 uye kukundikana kwake anozonogara mujeri kwemazuva mashanu.

Muchuchisi Itai Beaular Chikono akaudza dare kuti nomusi wa30 Kubvumbi gore rino munguva dzemangwanani, Mucheki akapinda muchitoro cheGrocery Express Supermarket chiri kuBeatrice achibva aba kabhodhoro ke150ml kepefiyumu yemhando yeMaliza Deodorant ako kanokosha $4.

Mucheki akaisa pefiyumu iyi muhomwe yetirauzi rake kwave kubuda muchitoro asina kubhadhara.

Paakaonekwa nemumhan’ari, Regina Ziyengwe (21), uyo anoshanda muchitoro ichi akabva atanga kutiza asi akazobatwa nechaunga ave chinhambwe zvikaita kuti asungwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey