Uncategorized

Akatiza mwana chirema

27 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Akatiza  mwana  chirema

Kwayedza

 ‘Kudzinza kwedu hakuna zvakadaro’

MURUME wekuEpworth, muHarare, ari kunzi akatiza mudzimai wake mushure mekunge abara mwana akaremara mitezo achiti kudzinza kwavo hakuna kumbobvira kwazvarwa mwana akadai.

Asati atiza, murume uyu akambozama kuuraya mwana uyu achiita zvekumupfumbira nejira asi zvikaramba.

Mai Pamella Chauruka (42) vanogara panhamba 18167 kwaJacha vanoti murume wavo, Elliot Chiguvare, akavatiza ndokuvasiya voga nemwana wavo akaremara mitezo uyo pari zvino ave nemakore matanhatu ekuberekwa.

Pari zvino mudzimai uyu nemwana wake, Blessing Chiguvare, vari kuchengetwa neimwe hama kwakare kuEpworth.

“Takatizisana mushe tichidanana zvikuru ini ndokuita nhumbu yemwana ava nemakore 6. Zvakazooneka kuti mwana uyu aiva nemitezo isina kuita zvakanaka apo murume wangu akatanga kusanduka achiti kudzinza kwavo hakuna zvirema.

“Akabva azoroora mukadzi wechipiri newechitatu vaibva kwaRusape kumusha kwake sezvo ini ndichibva kuGokwe.

‘‘Mumwe wevakadzi ava akazotiza akaenda kumba kwavo mugore ra2008, mumwe ndokusara. Hamheno, vamwe vanoti vari kugara kuMbare,” vanodaro Mai Chauruka.

Dambudziko remwana uyu rinonzi rakaonekwa mugore ra2010 ave kuda kunokambaira, kuti makumbo, mawoko nemimwe mitezo yake hazvina simba, zvakaremara.

“Murume wangu aona kuti mwana ane dambudziko iri, akanditi ndiuraye mwana kuti tikwanise kuramba tichigara tose. Panguva iyoyo taigara kuOverspill, kuno kuEpworth.

“Ndakamuti aifanirwa kuuraya mwana uyu oga, izvo akaramba kuita nekutya akazoedza kumupfumbira nejira kuti afe asi zvikaramba,” vanodaro Mai Chauruka.

Vanoti Chiguvare akazotiza pamba mugore ra2010 achiti mudzimai wake uyu ndiye ane chekuita nekuremara kwemwana uyu.

“Murume uyu anondinanga huroyi achiti ndinoziva chakakonzera hurema hwemwana. Ini ndiri nherera, vabereki vangu vose vakafa. Handizive kuti mushonga wekuremadza mwana waanotaura ini ndakauwanepi.

“Handina chekuriritira mwana nacho uye pamba pandinogara ndepamainini munin’ina waamai. Mwana uyu anoda mapiritsi nguva nenguva nekuda kwehurema asi mari yacho handina.”

Pamela Chauruka aine mwana wake, Blessing Chiguvare

Pamela Chauruka aine mwana wake, Blessing Chiguvare

Mai Chauruka vanoti mumba mavo vakaberekwa vari voga izvo zvinoita kuti vashaye anovabatsirawo.

“Mwana wangu haaende kuchikoro nekuda kwedambudziko rekutadza kufamba iri.

‘‘Anoda wiricheya nezvimwe zvakawanda zvinofambirana nehurwere hwekuomarara kwemitezo yake,” vanodaro.

Mai Chauruka vanotengesa muriwo netumwe tunhu pamusika kuEpworth.

Vanoti vanoda rubatsiro rwemari pamwe nekuwaniswa nzvimbo yechikoro yekuti mwana wavo adzidze akasununguka.

“Murume akatiza ndini ndava baba naamai zvose. Iye ari kugara kuNational, kuMbare. Mwana asingafambe kana kutaura uyu ndiye wangu wekutanga.”

Mwana uyu anonzi anoda kudya kwakakodzerana nedambudziko rake uko amai vacho vasingakwanise kuwana pamwe nemapiritsi anokosha $50 pamwedzi.

“Vanhu vekuchechi kwangu vanombondibatsira asi havangagone zvose,” vanodaro.

Blessing anonziwo ane dambudziko rechikosoro, kupota achipunzika nekugwinha-gwinha izvo zvinoda kuti agare achinwa mapiritsi nguva nenguva.

“Mwana wangu haana matsamba ekuzvarwa, baba vacho vari kuramba kumutoresa vachiti havagone kutoresa birth certificate mwana akaremara.

‘‘Vanoti kudzinza kwavo hakuna zvirema.

Baba vemwana uyu vanogara panhamba 53 muna Zata, kuMbare National uye havadi kundiona ikoko,” vanodaro Mai Chauruka.

Vanotizve murume wavo anoita basa rechigadhi nekutengesa kuMbare Musika nemudzimai waari kugara naye.

Zvakadai, Kwayedza haina kukwanisa kutaura naChiguvare sezvo akashaikwa pamba paanonzi ari kugara uye nhare yake yaisabatika kusvika pakudhindwa kwenyaya ino.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey