Bhadharai mari nenguva: Kateera

02 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Bhadharai mari nenguva: Kateera VaCloud Nyambuya

Kwayedza

Malven Mugadzikwa —
VABEREKI vokurudzirwa kuti vadhadhare mari dzevana dzechikoro nenguva sezvo kunonoka kuibhadhara kuchikanganisa budiriro yedzidzo.

Kurudziro iyi yakaitwa svondo rapera nemukuru wedzidzo mudunhu reHarare, VaChristopher Kateera, apo vaive muenzi anoremekedzwa pamhemberero dzekupihwa mibairo kuvana vakabudirira muzvidzidzo zvakasiyana, eGlen View-Mufakose Merit Awards.

“Vabereki ndinovatenda zvakanyanya nebasa ravanoita rekutitsigira nekuunza kwavanoita vana kuzvikoro pamwe chete nekupa mazano mukuvandudzwa kwezvikoro kuburikidza nemaSchool Developments Committees (SDC). Zvisinei, kune vamwe vabereki vanononoka kubhadharira vana mari dzechikoro.

“Ndinopa yambiro kuvabereki vakadai kuti vanofanira kubhadhara nekuti kusabhadhara kwavo kana kunonoka kunoita kuti zvirongwa zvinenge zvichida kuitwa nezvikoro zvekuvandudza magariro nemadzidziro evana zvidzokere kumashure. Mubereki anofanira kuziva kukosha kwedzidzo yemwana wake,” vanodaro VaKateera. VaKateera vanoenderera mberi vachiti zvikoro zvinofanira kudzidzisa vana zvidzidzo zvinofambirana nenguva zvinoita kuti vazova nehunyanzvi hwezvakasiyana-siyana.

“Nguva yatiri kurarama haichangodi kuti munhu aendere kuchikoro kuva neruzivo chete, asi nekugona kurwushandisa. Vana ndavadzidziswe zvekuti vanokwanisa kukasira kushandisa ruzivo rwavo kana vawirwa nematambudziko kana mazano anoita kuti nyika isimukire,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaCloud Nyambuya, avo vanova District Schools Inspector (DSI) kudunhu reGlen View-Mufakose vachiti vari kufara nekufambira mberi kwechirongwa cheNew Curriculum.

“Vadzidzisi vemudunhu rangu vari kuratidza kufarira New Curriculum kuburikidza nekudzidzisa kwavari kuita zvidzidzo zvakanangana nechirongwa ichi. Vana muzvikoro vava kupinda mumitambo yakasiyana vachiratidza zvipo zvavo rinova danho rakanangana nekutevedzera hurongwa uhu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey