‘Bosso tiri kudzoka’l 2016 igore redu: Gumede

16 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
‘Bosso tiri kudzoka’l 2016 igore  redu: Gumede

Kwayedza

CHAMANGWIZA weHighlanders FC, Ndumiso Gumede, anoti kunyangwe zvazvo chikwata chavo chave nemakore akawanda chichikundikana kuhwina mukombe weCastle Lager Premier Soccer Leagure, izvi hazvireve kuti chidiki asi kuti ndicho chikuru kune zvimwe zvose sezvo chagara makore akawanda chiri muPSL.

Bosso, sezita remadunhurirwa reHighlanders, yakavambwa mugore ra1926.

Chikwata ichi chakapedzisira kutora mukombe wePSL mugore ra2006.

Gumede anoti kunyangwe zvazvo vave nemakore akawanda vasina kuhwina mukombe uyu, hazvirevi kuti Bosso yapera basa.

Gumede anopa muenzaniso weLiverpool yekuEngland, iyo kare yainetsa zvikuru ichihwapura mikombe yakasiyana asi mazuva ano yave kutatarika.

“Bosso ndicho chikwata chihombe munhabvu yemuno uye ndicho chagara muPSL kudarika zvimwe zvose.

“Musakanganwe izvozvo, iye zvino zvinhu hazvisi kutifambira hazvo asi tiri kugadzirisa.

“Kare vanotevera nhabvu yekuEngland vaiziva kuti Liverpool ndiyo yainetsa zvikuru ichitambirwa nevatambi vakaita saBruce Grobbelaar, Ian Rush, John Barnes, Kenny Dalgish nevamwe asi iye zvino vatsigiri venhabvu vave kuiwanzira kuti Looserpool.

“Zvakangofanana nesu, zvine mazuva chete asi tiri kudzoka,” anodaro Gumede.

Mumakore maviri anoti 2012 ne2013, Bosso yakapedza iri pechipiri muPSL iri mumashure meDynamos apo zvikwata zviviri izvi zvaive zvakaenzana pazvibodzwa asi yaizokundirwa pakunwisa, izvo Gumede anoramba kutambira achiti vaive vakahwina vose neDeMbare.

Anoti mazuva ano mitemo yenhabvu iri kungoshandurwa zvisinganzwisisike izvo vanozvitambira sezvo zvichibatsira kuti mutambo uyu usimukire.

“Kare taiziva kuti mwaka wenhabvu ukapera pane zvikwata zvakaenzana zvibodzwa mose mainzi mahwina mopihwa mukombe uyu asi mazuva ano zvashanduka.

“Mumakore anoti 2012 na2013 takapedza takaenzana neDeMbare asi iyo ndiyo yega yakapihwa mukombe. Asi chokwadi ndechekuti tainge takaenzana pazvibodzwa.

“Mitemo yenhabvu inongoshandurwa pose-pose kuti zvinakire zvimwe zvikwata, hapana zvekuita tongozvitambira.

“Asi chokwadi ndechekuti mutemo wegoal-difference uyu wakatibira mukombe wedu uyo taifanirwa kunge takapatsanura pamwe chete neDynamos.”

Munhabvu yemuno, Bosso inozivikanwa iri chimwe chezvikwata chinorwira mikombe yakasiyana. Asi gore rino yange isingatambe zvinogutsa izvo Gumede anobvuma ndokuti vari kushanda zvakasimba kuti mwaka unotevera vagohwina mikombe yose sezvavakaita mugore ra1986.

Anoti mugore ra1985, Bosso haina kutamba zvinogutsa sezvayaitarisirwa asi yakazomuka chibhebhenenga muna 1986 apo vakahwapura mikombe yose.

“Gore radarika, mukatarisisa taitamba zvinonwisa mvura tikazodzikira hedu. Gore rino tange takatodhakwa zvachose kubva pakutanga nekuti tanga tine murairidzi mutsva nevatambi vatsva vechidiki avo tiri kubika kuti gore rinotevera vagorwira mikombe.

“Pakasangoita vatambi vedu vanobva vachienda kuSouth Africa chete, mwaka unotevera tichange tichitopisa kukunda chitofu nekuti tine vatambi vechidiki vane tarenda rinonwisa mvura.

“Ndinoti 2016 igore redu, iye zvino tiri kungogadzirisa padiki chete kuti tidzokere chaipo panozivikanwa Bosso iri,” anodaro Gumede.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey