‘Burai vana nyanzvi’

30 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
‘Burai vana nyanzvi’

Kwayedza

‘. . . vanosimudzira upfumi hwenyika’

Malven Mugadzikwa —
MUKURU wedzidzo mudunhu reHarare Metropolitan Province, VaChristopher Kateera, vanoti zvikoro zvinofanira kubura vana vane ruzivo rwakadzama rwechizvino-zvino nechinangwa chekusimudzira upfumi hwenyika.

Vachitaura pamhemberero dzeWarren Park-Mabereign District Merit Awards muHarare nguva pfupi yadarika, VaKateera vanoti fundo ngaive nepundutso kuvana.

“Vakuru vezvikoro, vadzidzisi nevana vechikoro vanofanira kudzidza vaine chiono chekuda kuvaka nyika yedu munyaya dzeupfumi, kusimudzira indasitiri kuburikidza nekuzvigadzirira michina yedu nezvimwe zvinoshandiswa muindasitiri.

“Makare, tainyanya kukoshesa kugona kwemwana muchikoro ,asi pari zvino dingindira redu riri pakuti mwana ngaave nehunyanzvi hwakadzama mune zvaanenge adzidza,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Hunyanzvi hunoita kuti mwana paanosevenza akwanise kuhushandisa mukuunza shanduko, saka tikava nevakawanda vari kubva muzvikoro, indasitiri yedu inosimuka.

“Tinodawo kuti pave nezvigadzirwa zvakawanda zvakanyorwa zita renyika yedu — zvakanzi ‘Made in Zimbabwe’ zvichitengeswawo nekushandiswa kune dzimwe nyika.”

Vana, vanodaro VaKateera, vanofanira kudzidziswa zvinoenderana nechizvino-zvino.

“Kuburikidza nedzidzo, tinoda kuvandudza nekuwedzera kutengeswa kwezvinhu zvemunyika medu kune dzimwe nyika. Izvi zvinogoneka kana muzvidzidzo zvedu sezvikoro tikanyanya kufambirana nechizvino-zvino mukugadzirwa kwezvakasiyana mumaindasitiri. Nyika yedu haifaniri kuzivikanwa nekutambura, kushaya chikafu, kuwandirwa nezvirwere nekushaya hutsanana.”

VaKateera vanoti vana vanofanira kuve neruzivo rwekutsvaga nzira dzekupedza matambudziko anenge akatarisana navo.

“Dzidzo inofanira kuva iyo nzira yekubvisa ruzivo nekurwuisa muhunyanzvi.

“Ndokusaka Hurumende yedu yava kukoshesa zvidzidzo zvemawoko (technical vocational subjects) kuburikidza nehurongwa hweNew Curriculum. Iyi inzira yekuti dzidzo ive pamwongo pekushandurwa kwemamiriro akaita indasitiri kuti inge ichibatsira mukusimudzira upfumi hwenyika,” vanodaro VaKateera.

Vanorumbidzawo dunhu reWarren Park-Mabelreign District nekutora kwarakaita mibairo yakasiyana muzvidzidzo, mitambo, kuimba nezvimwe.

“Kutora kuri kuita vana pamwe chete nevarairidzi mibairo mucherechedzo mukuru wekuti dunhu rino riri kukoshesa dzidzo. Zvinoratidza kuti dunhu rino riri kubatsira vadzidzisi nevana kuti vasvike pazvishuviro zvavo zvekuwana mibairo mukugona kwavo. Ndiri kufarawo zvakanyanya kuti ndimi makakunda mamwe matunhu ese emuHarare pavana vakabuda nema4 Units pabvunzo Grade 7 avo vaive 365 mugore ra2016,” vanodaro VaKateera.

Mashoko avo anotsinhirwa naDistrict Schools Inspector (DSI) vekuWarren Park-Mabelreign, VaNathan Masaraure, vachiti vakuru vezvikoro, varairidzi nevana vanofanira kukoshesa dzidzo.

“Kusangana kwevarairidzi nevana vezvikoro ndiyo nzira inoita kuti zvipo nehunyanzvi zvikwanise kubuda nekuvandudzwa. Zvipo zviri pakasiyana – kugona muchikoro, mitambo, kuimba kana kuita zvigadzirwa. Zvese izvi zvine chekuita neramangwana remwana,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Zvikoro zvine basa guru rekuti mwana akwanise kuona pane chipo chake nekuchivandudza. Izvi hazvibatsire chikoro chete kana mwana asi kuti chero nyika nekuti vana vane zvipo ndivo vachamirira nyika yedu mangwana mune zvavanogona zvakafanana nemitambo nekuimba.

“Izvi ndizvo zvinoita kuti tishande tichitevedzera zviri muchirongwa cheNew Curriculum icho chinokurudzira kuumbwa kwemwana mupfungwa pamwe chete nehunyanzvi hwezvaanenge achidzidza.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey