Cazorla akaburitswa mumutambo weArsenal

13 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

SANTI Cazorla akaburitswa mumutambo weArsenal neTottenham Hotspur nekuti ainzwa dzungu, murairidzi wake Arsene Wenger akadaro.
Chizvarwa chekuSpain ichi chakaburitswa mumutambo weNorth London Derby panguva yekumbozorora (half-time) apo maGunners ainge akakundwa 1-0 ndokutsiviwa naMathieu Flamini.

Kuburitswa kwaCazorla kwakamboshamisa ruzhinji panguva yacho, asi Wenger akazivisa zvakange zviri kuitika kumutambi uyu mutambo wapera.

“Cazorla ange asiri kutamba zvatinotarisira kubva kwaari. Ange ari kunzwa dzungu. Haasi kurwara hake. Ange achingonzwa dzungu chete uye asiri kukwanisa kufamba zvakanaka,” akadaro Wenger.

Mutambi uyu, uyo ane makore 30 okuberekwa, ari muchikwata cheSpain chinotarisirwa kusangana neEngland neBelgium mumitambo yehushamwari munguva inotevera asi hazvisi kuzivikanwa kuti achabuda here muchikwata ichi.

Arsenal yaitaridzika sekunge ichakundwa apo yaitamba neSpurs mushure mekunge Harry Kane anwisa, asi Kieran Gibbs akazonwisa mutambo wave kunopera zvikwata zviviri izvi ndokuwana chibodzwa chimwe chete kubva mumutambo uyu.

Dai chikwata chaWenger chakahwina chaibva chasiya Manchester City choenda pamusoro palog asi iye zvino chakagara pechipiri chiri kumashure kweCity asi chakaenzana zvibodzwa nechikwata chamanuel Pellegrini.

City ndiyo yakatanga kutamba musi weSvondo wadarika ndokukwanisa kuita mangange 0-0 neAston Villa mumutambo wekutanga waRemi Garde achirairidza chikwata ichi. — Daily Mirror

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey