Chenjedzo yechirwere cheshuga

03 Jun, 2016 - 00:06 0 Views
Chenjedzo yechirwere cheshuga

Kwayedza

HURUMENDE inorumbidza mabasa makuru ari kuitwa nesangano reZimbabwe Diabetic Association mukukusha kwariri kuita mashoko echenjedzo maringe nechirwere cheshuga munyika, izvo zviri kubatsira veruzhinji kuti vazive nezvedenda iri.

Gurukota rezvemaindasitiri nekutengeserana, Cde Mike Bimha, avo vanovazve mumiririri weChikomba West mudare reNational Assembly, vanoti Hurumende ichatsigira zvirongwa zviri kuitwa nesangano reZDA mukupa vanhu dzidziso yakakosha iyi. Vakataura mashoko aya nguva yadarika kuChivhu apo sangano iri raipa chenjedzo kune veruzhinji pamusoro pechirwere ichi.

“SeHurumende ticharamba tichisimbaradza kuti veruzhinji vange vachiziva maringe nechirwere cheshuga kubvira pazviratidzo zvacho uye kuti chinodzivirirwa sei. Nyaya dzeutano dzakakosha zvikuru nekudaro veruzhinji vanofanira kuwaniswa mashoko.

“Ndinofara zvikuru kuti sangano reZDA rakapindawo nemudunhu mangu nekudaro vagari vemo vachabatsirikana,” vanodaro.

Vanoti kudzivirirwa kwezvirwere kwakakosha pane kuzorapwa nokudaro kana vanhu vakawaniswa ruzivo vanokwanisa kurarama kwenguva refu.

Cde Bimha vanotizve kune zvirongwa zvakawanda zviri kuitwa mukurwiswa kwechirwere ichi zvakadai sekuvakwa kwemakiriniki nezvipatara zvine makamuri anoona nezvevarwere veshuga.

“Tichavaka makiriniki nezvipatara zvakawanda izvo zvichabatsira varwere veshuga. Tinoda kuti ruzivo maringe nezvechirwere ichi rwupararire,” vanodaro.

Sangano reZDA riri kufamba richipa dzidzo kune veruzhinji pamusoro pechirwere cheshuga mumatunhu ose enyika uye munguva pfupi yadarika rakashanyira matunhu eMashonaland West neMashonaland East.

Mutungamiriri wesangano iri, Dr John Mangwiro, vanoti donzvo ravo ndere kupa veruzhinji dzidziso pamusoro pechirwere cheshuga.

“Tiri kufamba tichifundisa vanhu maringe nenzira dzekudzivirira chirwere cheshuga munyika uye ticharamba tichienderera mberi kusvika munhu wose ave neruzivo,” vanodaro Dr Mangwiro.

Vanoti ongororo yakaitwa nesangano ravo nguva yadarika inoratidza kuti vanhu vanodarika 1,4 miriyoni munyika muno vane chirwere cheshuga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey