Chiporofita chine profit

11 Sep, 2015 - 00:09 0 Views
Chiporofita chine profit

Kwayedza

TOSE zvedu takambosangana nevamwe vanhu vanozvida, uye vachidada zvekuti vanenge ndivo vanoita kuti zuva ribude, nemaruva atumbuke. Vanhu vakadai kana vakada kuzvininipisa, zvinongooneka kuti vari kumanikidzira nekuti zvinenge zvisiri zvavo.

Ndine mumwe mudzimai wandakamboshanda naye aizvida zvekuti waizviona kuti kana mweya wekufema aitoda wake ega, kwete watinofema tese tese, vakashata nevanenhamo.

Mudzimai iyeye aiti kana ave kufamba, waifunga kuti ari kushora pasi kuti hauna kukodzera kutsikwa neni.

Ndiri kuonawo kuti vatungamiri vemachechi havachakwanisa kuzvidzikisa, kuzvideredza kuti vakwazisane nevanhu. Havachagona kufamba vega vasina kukombwa nevanovachengeta.

Pafungei ipapo, munhu waMwari kutsvaga kuchengetwa nevanhu vakasimba, asi ivo Mwari varipo.

Kunze kwekuzviunganidzira vanhu vanovachengetedza, vanhu vaMwari vave kuzvishambadza kugona kwavo kuporofita nekupedza matambudziko evanhu. Havasisina nguva yekutaurira vanhu chokwadi cheshoko raMwari nekuti vanhu vachowo vari kuda kunzwa chiporofita chine profit kudarika shoko raMwari risingabhadhare.

Asi ndizvo here kuti shoko raMwari haribhadhare ivo Mwari vakati haridzokere kwavari risina chinhu, uyewo David akati, “Shoko renyu mwenje wetsoka dzangu, nechiedza panzira yandinofamba.”

Jesu akatiratidza kuzvininipisa paakatora tauro, dhishi nemvura akatanga kugezesa tsoka dzine tsvina nehuruva dzevadzidzi vake. Asi nhasi uno vanhu vaMwari havachaisa mashoko avo pachikero. Kana vakashama kuti vataure, vanokungurutsa mhitsa dzemagaramwoyo anotswanya mufaro zvekuti unopeperetswa nemhepo kunge hundi.

Kana vakatanga kushora nekutsvinya unonyatsonzwa wega kuti nyangwe dai waive Bhatimiyo bofu repaJeriko wakagara pamugwagwa muhuruva, uchivashevedzera kuti vakunzwirewo ngoni, havasi vangatsauke kubva munzira yavo kuti vataure newe.

Havatombokucheuka nekuti uri wepasi-pasi, unonhuhwa nhamo, zvakare hauna chaunovabatsira nacho. Ko handiti vhangeri ravo nderekuti kandiro kemupiro kanofanira kuenda kunobva makomborero neminana?

Vakuru vemachechi emasutu nebhutsu dzakasimuka kunge zvigutswa zvakasara mumunda wemagobo havachisina hany’a nekupona kwevanhu. Ivo ndivo vane hany’a yekuponeswa nesangano.

Havana nguva nemunhu akagara pamusiwo wetemberi saPeter naJohn. Havana nguva, uye havagone kuudza munhu ari kukumbira sirivha nendarama kuti sirivha nendarama zvauri kutsvaga izvozvo neniwo ndiri kutozvitsvagawo zvisingaite.

Munamato wangu ndewekuti zvakaitika muna 1517 kunyika yeGermany zviitike muhupenyu hweduwo. Muna 1517 kuGermany, mumwe murume ainzi Martin Luther akashatirirwa vakuru vechechi venguva yake. Luther akanga achiti vakuru vechechi vakanga vave nenungo dzinofutidza moto, uye vakange vave varanda vemari.

Chinhu chikuru chakanga chichishatirisa Luther yaive nyaya yekuti vakuru vechechi vakanga vave kubhadharisa vanhu mari yekuti varegererwe zvivi zvavo. Luther akanga achiti chechi yakanga yave kukanganwa dzidziso dzeBhaibheri.

Zvino ndakanzwawo kuti mumwe mukuru weimwe chechi ave kugadzira nekutengesera vanhu sipo yekuti vanhu vakageza nayo, vanobva vabvisirwa kutadza kwese. Asi harisi ropa raJesu here rakasuka zvivi zvedu kamwe chete zvichibva zvatopera?

Vakomana tapera nekushaya zivo. Dai Mwari vatibatsira taziva kuti ruponeso rwaJesu rwuri pachena nekuti hakuna kana chinhu chipi zvacho chingagone kurwubhadhara.

Bhaibheri rinoti, “Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa; Uye mweya wemanyawi unotangira kuwa. Zviri nani kuva nemweya unozvininipisa pakati pevarombo pane kugoverana zvakabiwa nevanhu vanozvikudza.”

Chenjerai imbwa, chenjerai mbavha, batai zvikwama zvenyu!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey