CHISHONA CHAKANAKA

11 Mar, 2016 - 00:03 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

MuShona tine mazwi kana mazita ezvinhu zvatisisashandise. Semuenzaniso,

tikabvunzwa nevana vechikoro kuti tsumo yekuti, “Rine manyanga hariputirwe

mumushunje” inorevei. Tsumo iyi inoreva kuti pane zvimwe zvinhu zvinonetsa

kuvanza kana kuviga nekuti zvine maitiro azvo ekuzongobuda pachena.

Sekuti pamuviri kana kuti nhumbu inonetsa kuviga. Asi nyangwe zvakadaro, vana vanoda kuziva kuti mushunje wakataurwa mutsumo iyi chii.

Chitiudzai zvinereva mazwi aya:

1. Mushunje (ibutiro rehuswa kana mashizha)

2. Musongora (mutsipa wehuku)

3. Musongosongo (Muchochororo, chinyama chitsvuku chiri mumusoro mejongwe rehuku kana shiri.)

4. Musungusungu (Imhando yemuriwo)

5. Nyenye (Rimwe zita rembudzana kana hwayana. Asi vakomana vanoti musikana akanaka nyenye)

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

MuShona mune mazwi akawanda anoreva zvakafanana. Mamwe acho ndeaya:

Gudo – mutiro/diro

Zviyo – rukweza

Dombo – ibwe

Iwe tiudzewo mazwi akafanana neaya:

1. Rupasa

2. Mabura

3. Nevanji

4. Huswa

5. Mbada

6. Magwere

7. Pfambi

8. Bendekete

9. Doro

10. Meno

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey