Uncategorized

CHISHONA CHAKANAKA

03 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: [email protected] kana [email protected]. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako.

* * *

MHINDURO DZESVONDO RAPERA:

Nhasi tiri kuda kuti utipe tsananguro yemazwi aya. Kana watsanangura, tichada kuti ushandise izwi rega rega mumutsara. Vana vashanu vachatanga kutumira tsananguro nemitsara yavo yakanaka vachapihwa mibairo yemabhuku neKwayedza.

Mazwi acho:

1. Kumomoterwa: kuunganirwa kana kukombwa nezvinhu zvakawanda kazhinji zvichikutambudza.

2. Kucherechedza: kutarisisa kwakanyanyisa.

3. Kukokorodza: kuunganidza zvinhu, kazhinji zvipfuyo kuti zvive panzvimbo imwe chete.

4. Kusurudza: kutsaura kana kuburitsa zvinhu zvakanaka kana kuti zvakachena kubva mune zvisina kuchena.

5. Mamhororodzi: kana mvura ikaenda paganda kana pamudziyo, asi yosiya mitsetse inoratidza kuti pakamboyerera nemvura asi ikasachenesa, mitsetse iyoyo ndiwo mamhororodzi.

* * *

ZVEKUITA SVONDO RINO:

Mombe imwe yezvipfuyo zvinowanikwa pamusha. Mombe inoita mabasa akawanda. Inoshandiswa sepfuma pakuroora, inorimiswa mumunda uye inokamwa mukaka. Asi mombe ine zvimwe zvainoshandiswa. Tiudzewo zvinhu izvozvo uchizadzisa zvakasara mumitsara iyi.

1. Muswe wemombe unogona kushandiswa nen’anga ku. . .

2. Nyanga yemombe inogona kuiswa mafuta se. . .

3. Nyanga yemombe inogona kuiswa fodya yemumhuno yoshanda se. . .

4. Dehwe remombe rinogona kusukutwa rosara rapfava zvekugadzira . . .

5. Mombe inogona kubviswa pakuroora kana panenge paparwa . . . semuripo

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey