DETEMBA TINZWE

06 Mar, 2015 - 00:03 0 Views

Kwayedza

ndikutaurire mutinhimira wetsumo naSheryll Gavhure
Hama yangu, chirimusaka saka chinozvinzwira.
Iwe tanga zvako nhamo rugare rugotevera.
Asi uyeuke kuti Zanondoga akapisa jira.
Chisiri chako rembedza maoko usasungira hata.
Vimba nezvaunazvo nokuti chembere mukadzi.

Paupenyu hwuno gonda chako,
Kana chiri chomumwe hachina ndima
Ukanyunyuta, ugaro mwena kuutevedza unoguma
Ramba wakatsunga, nzombe huru yakabva mukurerwa
Zvoushayi, chidamoyo hamba yakada makwati.
Kana irinhamo yako chinoziva mwoyo.
Ramba uchiita paduku paduku kudya kwamadora.

Mazuva ano ruposha posha rune nyama.
Kunge washayiwa, zuva rimwe hariodzi nyama.
Udzwa uchinzwawo, chirambakuudzwa akaonekwa nembonje
Usatevedzera mabvakure nokuti makudo ndimamwe
Kureva munhu tanga wakwira churu.
Zvavaripo vari pachavo chikurikuri.
Ndati ndikubayire zanhi mwana wamai.
Nokuti mubayi wetsumo anowana zvaanoda.
Ndidzo tsumo muchokwedu dzine mutinhimira

Sheryll Gavhure ari muGrade 7 Brown paDavid Livingstone Primary School, muHarare.

MAONERO:
Uchingoverenga musoro wenhetembo iyi, unobva watofanoziva kuti nyaya irimo ndeyei. Iyi inhetembo yekudada, kuonererwa nekupembedza mutauro – asi pachitambwa netsumo dziri kurwisaniswa kuti dziburitse pfungwa dzanyanduri.

Ndafara kuti nyanduri munhu mudiki kwazvo, asi akwanisa kupinda musango remutauro akanotivhimira zvikuru, uye zvinonaka sehuchi!
Nechikonzero chekuti nyanduri ari kushandisa tsumo, hazvigoneke kuti tibva tati nhetembo yake ine dingindira rimwe chete, asi muri kubuda matingindira akawanda. Uyewo, hatingati dzose dzashandiswa umu itsumo, nekuti maitawo zvirevo nemadimikira nefananidzo.

Chinoda kuchenjererwa kana ukange wafunga kunyora nhetembo yakadai ndechekuti unogona kupedzisira wave kumanikidzira dzimwe tsumo padzisinganyatsoshanda kana kuti padzisinganyatsoburitsa zvadzinoreva. Chimwe chandangoona chinoda kugadziriswa mashandisirwo ezvimiso. Uyewo dzimwe tsumo handibvumirane nanyanduri mashandisiro aadziita.

Hauna kunyora zvakanaka tsumo inoti: Chiri mumusakasaka chinozvinzwira. Iwe ungadai wapatsanura mazwi pamwe chete nekubatanidza mumusakasaka.

Ungadai wapatsanura mazwi anoti iri nhamo, pane kunyora wakabatanidza uchiti, irinhamo.
Mutsumo inoshandisa mazwi awanyora inoti, “ndamba kuudzwa” kwete chiramba kuudzwa.

Handina chokwadi kuti mashandisiro awaita tsumo inoti, “Makudo ndimamwe,” inoburitsa zvawanga uchida kutaura pawazotaura zvevatorwa. Handinawo zvakare kunzwisisa kuti wanga uchirevei pawati: “Zvavaripo vari pachavo chikurikuri”

Asi tisingade kuswera tichitarisa zvakawanda, uri shasha yemutauro nekuti vazhinji vari mufomu yechina havamire kana kuedzesera kuruka nhetembo nenzira yakadzama seiyi. Ramba zvako uchitamba nawo mutauro wako, ndiwe mumwe wevanyori vamangwana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey