DETEMBA TINZWE

01 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Ivhu
naTyro Borerwe
IVHU! IVHU! IVHU!
Makoshero akaita ivhu anodadisa!
Ndiyo nhaka youpenyu,
Muchinda akatitakura.

Madhorobha akatakurwa nevhu,
Mafekitori akatakurwa nevhu,
Zvitoro zvakatakurwa nevhu,
Dzimba dzakatakurwa nevhu,
Idzo mhuka nemiti zvakatakurwa nevhu
Nesu vanhu takatakurwa nevhu.

Iye asingadi ivhu ndiyani?
Kana pasina ivhu dzimba tinovaka nei?
Mafekitori, zvitoro, madhorobha tinovaka nei?

Zvidinha zvatinovakisa zvinogadzirwa nevhu
Zvirimwa zvatinodya zvinorimwa muvhu
Zvicherwa zvinotipa upfumi zvinobva muvhu
Iyo mvura haishandi pasina ivhu.

Ivhu! Ivhu! Ivhu!
Kana pasina iwe hapana raramo,
Uri mambo wepasi
Uri mudzi woupenyu!

Tyro Borerwe ari muGrade 7 paSt Peters Gudza Primary School, kuMarondera West.

MAONERO:
Tinotenda nenhetembo iri pamusoro pevhu kubva kuna nyanduri wechidiki ari kuMarondera anonzi Tyro Borerwe. Nhetembo yake yatanga nemazwi ekuti IVHU adzokororwa katatu, asi adzokororwa kudaro, tinoonawo kuti nyanduri ashandisa mavara makuru (capital letters) kunyora mazwi aya.

Saka pashandiswa zvidavado zvedzokororo nemazwi makuru, uyewo zvishamisiko (exclamation marks).
Chinangwa chanyanduri ndechekuti kana muverengi kana munhu akaterera akanzwa nhetembo iyi ichiverengwa, ambomira nekuterera nekuti paita dzokororo mazwi makuru nezvishamisiko pane chiri kusimbiswa.

Asi ini handina kufara nekubva nyanduri angoti zvakaneta, “Makoshero akaita ivhu anodadisa.”
Dai atsvaga rimwe izwi rinonyatsoburitsa pachena kukosha kwevhu.
Ndinofunga kuti dai anga ati, “Makoshero akaita ivhu ungati mukaka wamai.”

Asi ndafara zvangu nekunzwa otora ivhu semunhu, semuchinda akatitakura.
Zvinoreva kuti ivhu rakaremerwa.

Ipapo dai wabva watiudza kuti zvarakatitakura tose nedzimba nezvivakwa zvose nevanhu — haricheme-cheme nemhaka yei?
Ko musi warinoti ndaneta nekukutakurai imi vanhu vasingatende tinoita sei?

Chandiri kutaura ndechekuti nhetembo yako dai yafamba nenyaya yekutakura nyika waiburitsa dzimwe pfungwa dzakawanda uye dzakadzama.
Ndima yako yechipiri yanga ichida kuti itambanuke, irege kuramba yongotsokodzera iri panzvimbo imwe chete ichitaura zvinhu zvimwe chete asi nenzira yakasiyana.

Ipapa ndipo paungadai watiudza kuti kutakurwa kwezvinhu zvose izvi nevhu kunorevei.
Ndiri kuda kuti utambanudze pfungwa dzako.

Ko kana ivhu rikafunga zvekuramba kuti dzimba nezvivakwa zvigara pariri, chii chinozoitika?
Ko kana ivhu rikafunga kuti zvirimwa zvose zvaiswa mariri zviri kureva kuti vanhu vari kuripa zvekudya, robva rarega kuzvimeresa, chii chinoitika?

Kuti unyatsoburitsa kukosha kwevhu, ko ivhu rikafunga zvekuviga zvicherwa zvakakosha zviri mariri chii chinoitika?
Nhetembo ngadziende kumberi kwekumberi, ikoko kwatisingawanzosvika kuti dzitipewo maonero nemafungiro matsva. Nhetembo ngadziburitse zvinhu zvisiri zvemazuva ose.

Ipapo ndipo patichanyatsoona kuti sei uri kuti “ivhu uri mambo wepasi.”

[email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey