Kwayedza
Nyorai nhetembo pfupi seriri pazasi motumira ku: Nhetembo, Kwayedza Box 396 Harare kana kutumira pa-Email inoti [email protected] kana kuzosiya pamahofisi edu ari paHerald House, muHarare. Musakanganwe zita remunyori, chikoro negwaro rake uye kana zvichiita, titumirei nekamufananidzo (passport size) kemunyori.
rakati rafamba guhwa
naElismore Gunda Mazhindu
Kufamba kwarakaita, kunge idi chairo.
Kusiya vanhu vakafinyamisa zviso
Kunge pavhiiwa yechidembo nyama.
Rakazosara robuda zuva vanhu
Vongoti, “Tawodzera wakatiroorera
Nhunzvatunzva yemukadzi.”
Rakapararira mumusha wose
Kunge moto wesango.
Mazuva mashomanana ndichangopinda
Mumusha ndaibatwa sezai, papera
Mwedzi mishanu vainge vakupota
Vachindidongorora rungwanani rwega-rwega
Kuda kuona shanduko. Hanzi mukati
Muroora ane mbereko iyeyu.
Zvisineiwo kupera kwaKukadzi
Ndakatsika mwedzi. Ndikanzwazve
Yavhiiwa napadumbu hanzi unohura
naMatsotsi.
Matsotsi, Matsotsi chaiye here
Veduwe-e iri mhosva yekutenga
Muriwo kubindu kwake. Ndizvo
Zvobva zvandipa jambwa nemunyama kudai!
Pazvakangoti ngori kupinda mune
Dzangu nzeve ndakati, zvimwe
Zviroto ndisingazivi kuti, kana
Museve wada nyama . . .”
Zvakati zvati gogogoi mune
Dzewangu murume nzeve
Akaviruka nehasha sembwa
Nzeve, akati, “Handiitirwe
Zvekutungana kwembudzi pamberi
Pangu ini ndinonzi Nyamuzihwa,
Hausiriwe gotwe nenyika gara wakafamba
Mwana wembwa”
Elismore Gunda Mazhindu ari muForm 4 West paMutekedza Secondary School kuChikomba, kuMashonaland East Province.
MAONERO:
Kana ndaverenga nhetembo inonakidza seizvi, shuviro yangu inenge yave yekuti dai nyanduri uyu akazopfuurira mberi nekunyora, uye kana ave kunyora zvimwe, anyore riri bhuku chairo. Ndinodaro nekuti nhetembo iyi yashandisa manyorerwo enyaya, saka hainetse kunzwisisa. Uyewo, inhetembo yanyatsogona kuburitsa kushata kweguhwa, netsika nemagariro edu sevanhu mudzimba. Kwandiri nyanduri agona zvake.
Ndanakidzwa nemusoro wenhetembo zvakare, “Rakati rafamba guhwa.” Kana ukaverenga musoro wakadai, unenge wave nehavi yekuti uzive kuti raive guhwa rei? Raifambiswa nani? Uye, parakazofamba pacho chii chakaitika.
Musoro wenhetembo iyi unobatsira kushambadza nhetembo yacho. Vazhinji vedu tinoziva kuti “guhwa harivake musha, asi rinotyora mbariro kuita tsotso.”
Hushasha hwanyanduri hwabudawo mukugona kushandisa zvirungamutauro kunyatsoburitsa mafambiro aiita nyaya iyi munharaunda.
Kana vanhu vofinyamisa zviso kunge pari kuvhiiwa chidembo nekuda kwemakuhwa, zvinonyatsojekesa kuvenga nekusemeswa kwevanhu nekuda kwezvavakanga vanzwa mumakuhwa.
Chimwewo chagonekwa nemunyori kuratidza kusiyana kwenguva. Anoti, “Ndichangopinda mumusha ndaibatwa sezai.” Asi nekuda kwekunonoka kubata pamuviri, vanhu vanobva vatanga kutaura-taura.
Chinorwadza, chinova chanyatsobatwa zvakanakisisa nanyanduri ndechekuti, panozobatwa pamuviri, vanhu vanotanga kumupomera mhosva yechipfambi.
Nhetembo iyi iri kubata nyaya yekushungurudzwa kunoitwa vanhukadzi mudzimba, kwete nevarume vavo chete, asi nehama, pamwe chete nevanhu vemunharaunda.
Tinoona kuti mukadzi uyu anotosvika pakurambwa nekuda kweguhwa chete.
Saka chimwe chiri kudzidziswa nanyanduri kuti tichenjerere zvinhu zvinogona kukonzerwa nemashoko edu kune vamwe vanhu. Anogona kuvauraya, agouraya nehupenyu hwevana vasati vazvarwa.
Ndafarira kushandiswa kwefananidzo yembwa. Zvanzi, murume akaviruka nehasha sembwa, tozonzwawo kuti anoti kumukadzi, “mwana wembwa.” Ndiko kushandisa mutauro kunoratidza hushasha.
Wagona Elismore, pfuurira mberi nekunyora.