DETEMBA TINZWE

20 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Nyorai nhetembo pfupi seriri pazasi motumira ku: Nhetembo, Kwayedza Box 396 Harare kana kutumira pa-Email inoti [email protected] kana kuzosiya pamahofisi edu ari paHerald House, muHarare. Musakanganwe zita remunyori, chikoro negwaro rake uye kana zvichiita, titumirei nekamufananidzo (passport size) kemunyori.

rakati rafamba guhwa

naElismore Gunda Mazhindu

Kufamba kwarakaita, kunge idi chairo.

Kusiya vanhu vakafinyamisa zviso

Kunge pavhiiwa yechidembo nyama.

Rakazosara robuda zuva vanhu

Vongoti, “Tawodzera wakatiroorera

Nhunzvatunzva yemukadzi.”

Rakapararira mumusha wose

Kunge moto wesango.

Mazuva mashomanana ndichangopinda

Mumusha ndaibatwa sezai, papera

Mwedzi mishanu vainge vakupota

Vachindidongorora rungwanani rwega-rwega

Kuda kuona shanduko. Hanzi mukati

Muroora ane mbereko iyeyu.

Zvisineiwo kupera kwaKukadzi

Ndakatsika mwedzi. Ndikanzwazve

Yavhiiwa napadumbu hanzi unohura

naMatsotsi.

Matsotsi, Matsotsi chaiye here

Veduwe-e iri mhosva yekutenga

Muriwo kubindu kwake. Ndizvo

Zvobva zvandipa jambwa nemunyama kudai!

Pazvakangoti ngori kupinda mune

Dzangu nzeve ndakati, zvimwe

Zviroto ndisingazivi kuti, kana

Museve wada nyama . . .”

Zvakati zvati gogogoi mune

Dzewangu murume nzeve

Akaviruka nehasha sembwa

Nzeve, akati, “Handiitirwe

Zvekutungana kwembudzi pamberi

Pangu ini ndinonzi Nyamuzihwa,

Hausiriwe gotwe nenyika gara wakafamba

Mwana wembwa”

Elismore Gunda Mazhindu ari muForm 4 West paMutekedza Secondary School kuChikomba, kuMashonaland East Province.

MAONERO:

Kana ndaverenga nhetembo inonakidza seizvi, shuviro yangu inenge yave yekuti dai nyanduri uyu akazopfuurira mberi nekunyora, uye kana ave kunyora zvimwe, anyore riri bhuku chairo. Ndinodaro nekuti nhetembo iyi yashandisa manyorerwo enyaya, saka hainetse kunzwisisa. Uyewo, inhetembo yanyatsogona kuburitsa kushata kweguhwa, netsika nemagariro edu sevanhu mudzimba. Kwandiri nyanduri agona zvake.

Ndanakidzwa nemusoro wenhetembo zvakare, “Rakati rafamba guhwa.” Kana ukaverenga musoro wakadai, unenge wave nehavi yekuti uzive kuti raive guhwa rei? Raifambiswa nani? Uye, parakazofamba pacho chii chakaitika.

Musoro wenhetembo iyi unobatsira kushambadza nhetembo yacho. Vazhinji vedu tinoziva kuti “guhwa harivake musha, asi rinotyora mbariro kuita tsotso.”

Hushasha hwanyanduri hwabudawo mukugona kushandisa zvirungamutauro kunyatsoburitsa mafambiro aiita nyaya iyi munharaunda.

Kana vanhu vofinyamisa zviso kunge pari kuvhiiwa chidembo nekuda kwemakuhwa, zvinonyatsojekesa kuvenga nekusemeswa kwevanhu nekuda kwezvavakanga vanzwa mumakuhwa.

Chimwewo chagonekwa nemunyori kuratidza kusiyana kwenguva. Anoti, “Ndichangopinda mumusha ndaibatwa sezai.” Asi nekuda kwekunonoka kubata pamuviri, vanhu vanobva vatanga kutaura-taura.

Chinorwadza, chinova chanyatsobatwa zvakanakisisa nanyanduri ndechekuti, panozobatwa pamuviri, vanhu vanotanga kumupomera mhosva yechipfambi.

Nhetembo iyi iri kubata nyaya yekushungurudzwa kunoitwa vanhukadzi mudzimba, kwete nevarume vavo chete, asi nehama, pamwe chete nevanhu vemunharaunda.

Tinoona kuti mukadzi uyu anotosvika pakurambwa nekuda kweguhwa chete.

Saka chimwe chiri kudzidziswa nanyanduri kuti tichenjerere zvinhu zvinogona kukonzerwa nemashoko edu kune vamwe vanhu. Anogona kuvauraya, agouraya nehupenyu hwevana vasati vazvarwa.

Ndafarira kushandiswa kwefananidzo yembwa. Zvanzi, murume akaviruka nehasha sembwa, tozonzwawo kuti anoti kumukadzi, “mwana wembwa.” Ndiko kushandisa mutauro kunoratidza hushasha.

Wagona Elismore, pfuurira mberi nekunyora.

 

[email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey