DETEMBA TINZWE

06 Jan, 2017 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Sadza

naMunashe Gwarimbo

Ini ndini sadza murume

Mukuru panyika pano. Dai

Ndisipo ini mairarama here.

 Angave mukuru kana mudiki

Mutate kana mukobvu anongondida

Kungave kuseva nemuto kana

Kuseva nechii asi ini

Ndinongodiwa.

 

Angave anoenda kubasa

Kana kuchikoro ane atodya

Ini. Hapana angasevenze asina

Nokumbondidya kana musuva

 

Ukaenda kubasa usina

Kundidya unotoziva kuti

Pane chandasiya kudya.

Kunyangwe wadya zvimwe

Unotonzwa kuti murume

Mukuru ndamushaya, mudumbu

Hamuchina chinhu.

 

Ini sadza murume mukuru.

 

 Munashe Gwarimbo anga ari muGrade 6E paZengeza 8 Primary School, kuChitungwiza, gore rapera.

 

MAONERO:

Nhetembo yedu ine musoro wekuti “Sadza” yakanyorwa naMunashe Gwarimbo anga ari muGrade 6paZengeza 8 Primary School muna2016. Iyi inhetembo yekukosha kwakaita sadza muhupenyu hwevanhu. Nyanduri apa nhetembo yake musoro wakareruka, uye musoro wakadai haurasise vaverengi. Unotoita kuti vati sadza tinoriziva, asi raita sei iko zvino kuti rizonyorwa nezvaro saizvozvi?

Nyanduri ashandisa chidavado chepfekedzahunhu, uye tinoona nekunzwa sadza richitaura. Sadza riri kuburitsa kukosha kwaro nekugara rataura kuti iro “murume mukuru.” Murume mukuru haaite zvekutamba nekuti ndisaimba uye ane basa rakakosha raanotarisirwa kuti ange achiita.

Izvi ndizvo zvinoita kuti apedze ndima yake yekutanga nemubvunzo wekuti, “Ndisipo imi mairarama here?” Asi nyanduri wedu azokanganwa zvake kuisa chimiso chemubvunzo.

Anoenderera mberi nekushandisa mazwi anopesana kuti aburitse kukosha kwesadza paanoti:

Mukuru kana mudiki

Mutete kana mukobvu

Chaari kutaura ndechekuti sadza kana kuti kudya hakunei nekuti munhu akaita sei, kunongodiwa chete.

Iyi ndiyo pfungwa yaaenderera mberi achitaura kungave kuvana vechikoro kana kuvashandi mumabasa, zvese izvi zvinofamba kana vanhu vachinge vadya.

Ndima yekupedzisira yanga yave kuda kutambisa mazwi nekuti iri kungodzokorora nekutsokodzera zvaambotaura. Dai angonangana nepfungwa yaazoburitsa kwekupedzisira yekuti nyangwe vanhu vakadya tumwe twekudya twakasiyana-siyana, hatwubate ura sesadza.

Shungu dzangu kana muchinyora nhetembo ndedzekuti musangoperera pane zvemazuva ese zvinoonekwa nemunhu wese, asi itai chamunyurududu munosvika kumberi chaiko. Musakanganwewo zvakare kuti nhetembo dziri pamusoro pezvinhu zvakaita sesadza dzinogona kunyorwawo nenzira inosetsa. Ndichatsvaga nhetembo iri pamusoro pesadza yakanyorwa naChenjerai Mazambani kuti ndigokuratidza zvandiri kureva.

Zvisinei, waita zvako neshungu, ramba uchinyora nekuverenga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey