DETEMBA TINZWE

13 Jan, 2017 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Nyorai nhetembo pfupi seriri pazasi motumira ku: Nhetembo, Kwayedza Box 396 Harare kana kutumira pa-Email inoti [email protected] kana kuzosiya pamahofisi edu ari paHerald House, muHarare. Musakanganwe zita remunyori, chikoro negwaro rake uye kana zvichiita, titumirei nekamufananidzo (passport size) kemunyori.

Mwanangu

 naLangton Munyaradzi Chemhere

REGA ndikubaire zani mwanangu.

Ukandonyera zvitanda munzeve ndiwe.

Zvawaida izvi watove chigondora.

Yachiti pfacha nguva yekuti uzvifurire.

Mwanangu chirega kuita gundamusaira kushamwari.

Iva munhu anotya Mwari.

Usaita meso meso pamari.

Kwaunobva ziva mwanangu.

Nehope chazuro usakanganwe.

 

Mwanangu, kwandiri wototeya nzev,

Zvishoma pasi chiti gada, chisero wopfunya.

Chigonyera pamwe enyika haaperi maruva.

Mudziva ukapinda nemwenje, uchiri mudiki unosiya nyemba.

Mwanangu yavanemazino nyika.

Zvityore seutyora, enyika mafaro haaperi.

Takazvarwa aripo nanhasi aripo,

Wakazvarwa aripo, uchamisa aripo.

Imwechete tsuro mhanyisa.

Mhanya nechikoro siya zvemarokwe,

Senyoka usadzokere shure nyangwe usekwe.

 

Vako baba ndavahari yefanzirofa.

Cheronguva ndinogona kuti tasa, zvikashaya basa.

Shanda nesimba usazove rovha.

Nyope mhedzisiro inova mbavha.

Pahuma nembonje akaonekwa ndambakuudzwa.

Yeruzivo ndakusiira pfuma.

Handina hangu sirivha nendarama,

Asi ndakupakurira rangu dama.

Pangu ndasakura ndazunza mwanangu.

NDATENDA!!!

Langton Munyaradzi Chemhere ari muForm 4 paGovera Secondary School, kuDomboshava.

MAONERO:

Ndinofara kana ndichigashira nhetembo dzekuraya kubva kune vechidiki nekuti ndinoziva zvavanokoshesa uye nepfungwa dzavo pamusoro pezvinhu zviri kuitika muhupenyu. Nhetembo yaLangton Munyaradzi Chemhere yakanaka – asi haisi kundisekenyedza kana kundiruma semhamhatsi zvekuti ndinosimuka pandakagara. Sei isiri kunditokonya? Sezvandinogarotaurira vanyori vachiri kusimukira, regai kunyora pamusoro pezvinhu zvakaita sekuraya nekuti vana havana kutanga kurayirwa nhasi. Kubva kare chaiko kanodarika kare kemungano, vanhu vairayirwa nekutsiurwa, saka kana iwe wouya nemashoko ekubayira mwana wako zanhi, ndezvipi zvitsva zvakasiyana nezvakataurwa nezvakanyorwa nevakaenda zvauchataura?

Huchenjeri hwechivanhu chedu huri mutsumo nemadimikira. Kana munhu achirayirwa vanoraya vanodzokera kuhuchenjeri ihwohwo kuti zvinyatsobuda pachena kuti nyaya iri kutaurwa haisi itsva. Ndiri kuona kuti nyanduri wedu akwanisa kushandisa madimikira akaita serekuti, “kuisa zvimiti munzeve,” “chave chigondora, chave chimombe,” “gundamusaira mbudzi iri muhwai,” “ziva kwaunobva,” “kukanganwa chazuro nehope.”

Izvi zvese zvinoratidza kunzwisisa tsika nemagariro, uye nehuchenjeri hwevakuru vedu kwanyanduri, asi kwandiri hapana chitsva. Ndinodawo kunzwa mamwe matauriro enyaya iyi, matauriro anoita kuti vechidiki varege kukurumidza kuti isu zvetsumo nemadimikira taneta nazvo.

Chandiri kutaura chii? Ndiri kuti mutauro ngaurege kuramba wakabatwa mumambure edandemutande kusvikira wave chimukuyu chine chakubvubvu, zvekuti vanonzwa havatirimuke. Mutauro ngaufambirane nenguva kuti utaure nevanhu.

Tiza zvirevo zvataneta kunzwa zvakaita sekuti: “Nyika yave nemazino,” “kuteya nzeve,” “kupinda nemwenje mudziva.”

Ichokwadi ndiwo unonzi mutauro wakapfuma, asi kana tikatora nhetembo dzekuraya dzanaHamutyinei, Musiiwa nevamwe vakanyora kare, tichangonzwa dziri panzvimbo imwe chete iyoyi.

Ndinopa muenzaniso wekushandiswa kunoitwa mutauro naShingirai Manyengavana. Dai ndaikwanisa kuwana nhetembo yake inonzi: “Bhazi renhetembo,” ndakunzwisa kushereketa kunofanira kuwanikwa munhetembo. Ndichabvunza mupepeti weKwayedza kana achikwanisa kutiwanira nhetembo iyoyi. Nhetembo ngadzishamise, ngadzisvike kure kure, uye kumberi-mberi kusati kwasvikwa. Semuenzaniso, dai ndirini iwe ndati:

Mwanangu,

Ichokwadi sasi dzangu dzinokudhinha

Asi ndiri kuisa pauri zvehupenyu zvidhinha

Kuti paunorembedza mabhurugwa,

Nehunhu hwako hurege kuti pfurugwada.

Chimwe ndechekuti kana tikatarisa ndima yako yekupedzisira, baba ava vari kuti vave hari yofanzirofa, uye chero nguva vanogona kuti tasa. Izvi ndizvo zvimwe zvinoshamisa kuti kubva kare, nhetembo zhinji dzekuraya dzaitaurwa nemunhu anenge ave kuda kufa. Ko sei asingaraye mwana asati ave kuda kufa? Hazviite here sekuti baba vakadai vanga vakangoyeva mwana achirasika, asi vozoti pakupera kwehupenyu bengenu?

Baba ava vanoti pangu ndasakura ndazunza, asi kune vanoziva vanoti mwana anoda kurovedzerwa, ndiko kuti anoda kuramba achirairwa nguva nenguva kuti agove mwana kwaye. Saka ini ndingade kuti umbozama zvakare kunyora nhetembo iyi, asi uipe hupenyu nemutauro unoita kuti Stunner, Ammara kana Roki vateerere. Ramba wakashinga uchinyora!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey