Dzinga ‘dhimoni’ rekusaziva

11 May, 2018 - 00:05 0 Views

Kwayedza

naChiremba
KUSAZIVA kwakafanana nekufa, anodaro muimbi. Nekuda kwekusaziva, kune vazhinji vari kungopopota vachigunun’una negwaro idzva redzidzo yemunyika medu vachiti rakaipa. Mushure memasvondo akati kuti chinyorwa chino chichange chadzinga madhimoni ose ekusaziva chichisiya vaverengi vagarwa nemweya wekunzwisisa, kufarira nekutoyemura dzidzo itsva iyi.

  1. NHANGANYAYA:

Pasi rose mabumbiro edzidzo anogara pahwaro hwegwara rezvematongerwo enyika uye mafungiro emapato anotonga munyika idzodzo. Nyika zhinji dzekumadokero dzine mabumbiro edzidzo akaumbwa pamusoro pemafungiro echindinindini uye gutsavashoma uyewo kumabvazuva, dzidzo yavo iri pamusoro pepfungwa yegutsaruzhinji.

Zvakadaro, kwave nenyika zhinjiwo dzave nedzidzo iri pamusoro pemusanganiswa wemakwara maviri aya.

MuRhodesia dzidzo yaive yegutsavashoma neumbimbindoga uye yaive paviri; dzidzo yevatema nedzidzo yevachena. Dzidzo yevatema yaivavarira kuumba muranda aizoshandira vachena asinganyunyuti. Mudzidzi uyu aifanirwa kubuda muchikoro asina unyanzvi hwakanyanya asi aine gangaibveibve reunyanzvi hwaingoita kuti akwanise kushandira muchena.

Nerimwewo divi, dzidzo yevachena yaive yakazara – iri dzidzo yekutonga, yemushandirwi uye yaiita kuti muchena arambe ari pamusoro pemutema.

Pairwiwa Chimurenga chepiri, vanhu vakafunga kubvisa joki reuranda uhu. Vatema vazokurira muchena, Hurumende yevatema yakaona zvakakodzera kusandura hwaro hwedzidzo kubva kuumbimbindoga hwegutsavashoma kuenda kugutsaruzhinji.

Sekuti binduramifungo riri nyore kuriita kuburikidza nezvikoro zvakaonekwa kuti dzidzo yegutsaruzhinji ndiyo yaizosunungura vana vevhu. Zvikoro zvakavakwa zvakawanda kubvira zvepuraimari, zvesekondari, zvemabasa emawoko uye mayunivhesiti – vanhu vazhinji vakakwanisa kudzidza. Dzidzo zhinji yaive yeruzivo rwemumusoro, rwemawoko rwuri rushoma.

Nekutekaira kwenguva Zimbabwe yasungunuka, dzidzo yaivepo yakaonekwa kusanyatsokwana kwayo. Nekuda kwemabopoto ezvematongerwo enyika, bishi mukubata matomhu eupfumi hwenyika, hondo yeminda nezvimwewo, mabasa akatanga kushomeka zvikuru, vanotanga mabhizimusi vakatanga kuita vashoma zvikuru. Nyika yakati dhuma nezvibingamupinyi zvimbishi.

Ndipo pakazoonekwa kuti dzidzo yedu inofanirwa kuwandudzwa. Muchikamu chinotevera ndichabata pamusoro pemviromviro dzekuvandudzwa kwedzidzo yekare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey