Gwenyambira odzidzisa vechidiki pachena

27 Sep, 2023 - 15:09 0 Views
Gwenyambira odzidzisa vechidiki pachena VaEveson Gore (kurudyi vachidzidzisa vechidiki kuridza mbira

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VECHIDIKI muguta reHarare vave kudzidziswa kuridza mbira pachena nemumwe muimbi rinove danho guru mukudzoreredza hwaro hwetsika nemagariro akanaka evanhu vatema.

VaEveson Gore (60) vanogara kuZone 6, kuHopley, vanova mutungamiriri wechikwata chemimhanzi cheMazana Movement, vanoti vakazvipira kudzidzisa vechidiki kuridza mbira kana kuti deze.

“Nekuona pfungwa dzine vamwe vanhu dzekuti mbira dzinofambirana nemweya yetsvina, ndakaona musambo uyu uchigona kuzoparara nekufamba kwenguva ndokuvamba basa iri rekudzidzisa vechidiki kuridza mbira mugore ra1985,” vanodaro VaGore.

VaGore, avo vanozivikanwa saSekuru Hungwe Gore, vanoti vakatanga kuridza mbira vaine makore matanhatu ekuberekwa vari kuZhombe uko kwaiva kwatamira vabereki vavo.

Vanoti mhuri yavo yose vanhu vairidza mbira kubvira kumadzisekuru avo.

“Nekuda kwekuti ini ndakadzidza mbira ndichiri mudiki, ndakaona zvakakodzera kuti vechidiki ndivasiire nhaka iyi. Mbira dzinofambirana netsika dzakadzika dzechivanhu chedu, fungai kuti ini ndichiita Grade 4 pachikoro cheSamambwa Primary mugore ra1975, mukuru wechikoro akandikumbira kuti ndiridze mbira ndikarova musambo uyu vamwe vadzidzisi vakapoterwa kusanganisirawo nemumwe mwana wechikoro,” vanodaro VaGore.

Eveson Gore

VaGore – avo vakamboridza nevaimbi vanosanganisira Thomas Mapfumo nevachakabvu Jonah Sithole naRobson Banda – vanoti vadzidzisa vechidiki vakawanda vanobva kumatunhu akasiyana kukwenya mbira.

“Kubva ndatanga kudzidzisa kuridza mbira mugore ra1985, kune zviuru zvevana vadarika nemumaoko angu uye vamwe vakatobuda munyika ndokuenda uko vari kudzidzisa kuridza musambo uyu, koitawo vamwe vane zvikwata zvavo.”

VaGore vanoti mbira idzi vanodzidzisa vari pamba pavo kana kuenda muzvikoro nemumayunivhesiti.

Muimbi uyu anoti chishuwo chake kuti dai akwanisa kuvaka chikoro chinodzidzisa zvemimhanzi.

“Kunze kwekuvadzidzisa kuridza mbira, ndinofundisa kuridza ngoma, hosho, kutamba, kupfura mbira nekuveza magwariva acho nemadeze,” vanodaro VaGore.

Vanogadzira mbira dzemhando dzinosanganisira DzeVadzimu, Vembe, Nyonga-Nyonga, Njari Makonde neMunhurikwa.

Dzavanoridza vanoti Munhurikwa.

Vana vachiridza mbira

VaGore vanoti mbira dzakangofanana nemagitare sezvo dziine bhesi rinodaidzwa kuti duriro, nhovapasi (rhythm), nheketo (lead) nezvimwewo.

KUsvika pari zvino muimbi uyu atsikisa madambarefu gumi nemashanu.

“Ndine madambarefu 15 andakatsikisa anosanganisira Munonzwa Sei, Munongedzi naDzaShumba-dzashumba idzo dzose dzandakaita nechikwata changu cheMazana Movement.”

Nemuchakabvu Jonah Sithole nechikwata cheDeep Horizon vakaridza kambo kakaita mukurumbira kanonzi Vakamutangira Sabhuku.

Muimbi uyu akaroora Charity Chipuriro uye vane vana vapfumbamwe.

VaGore vanoti vane shungu dzekuvakawo muzinda wezvechivanhu (Culture Centre) apo vechidiki vanozoenda vachinodzidzira mbira nedzimwe tsika.

Zvichakadai, Shepherd Wachi (24), mumwe wevakadzidziswa mbira naVaGore, anotenda nekusimudzirwa kwakaitwa tarenda rake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey