Uncategorized

Handi mapurisa, imbavha: ZRP

20 May, 2021 - 16:05 0 Views
Handi mapurisa, imbavha: ZRP Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anoti ari kushushikana nembavha dziri kuba mudzimba nedzimwe nzvimbo apo dzinenge dzakapfeka yunifomu yemapurisa kana yemauto.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Naythi, vanoti makororo aya ari kukanganisa zvikuru chimiro chemapurisa nemauto zvichitevera kupara kwavari kuita mhosva vakapfeka mayunifomu aya.

Izvi zvinotevera kusungwa kwakaitwa vanhu vatanhatu – Unit Mutsure (32), Phibion Taruvinga (24), Malvin Mumvurutse (32), Hazvinei Elton Tambare (36), Kufakunesu Ndima (43) naTheresa Chikwange – nekuda kwemhosva yekuba yakaitika kuUnit O, kuChitungwiza nemusi wa12 Chivabvu, gore rino.

“Vatanhatu ava vanonzi vakanopinda mumba meimwe mhuri kuUnit O vachizviti vaiva mapurisa vachibva vazoba mari inokwana US$7 240. Panguva iyi, mwana mudiki wemhuri iyi akaverera achibva anozivisa imwe hama yavo inogara pedyo uyo akabvawo azivisa rumwe ruzhinji rwemunharaunda ndokutanga kukomberedza vanhu ava nekuvabvunzurudza,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoti makororo aya akazoridza pfuti mudenga katatu ndokutiza nemotokari yavaiva nayo yerudzi rweToyota Allion asi mumwe chete wavo akabatwa neruzhinji.

“Pakuferefetwa kwenyaya iyi, vamwe vashanu vakazosungwa ndokuwanikwa zvinhu zvinosanganisira 1×38 Astra revolver pistol, air gun, madheremete, hp laptop, music mixer, laptop bag nembatya dzechipurisa dzinoti mashati mana, matarauzi matatu, bhandi nebhutsu,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanotiwo nemusi wa14 Chivabvu, mapurisa akaridzirana pfuti nemakororo panzvimbo yeMupedzanhamo, kuMbare muguta reHarare, pakazoguma pakuvara mumwewo munhu aizvifambira.

“Pachiitiko ichi, mapurisa vakawana motokari yerudzi rweHonda Fit ine nhamba dzinoti AFL 3532. Pakuferefetwa kwenyaya iyi, zvakazobuda kuti motokari iyi yaiva yabiwa pachinhambwe che30 kilometre mumugwagwa weGweru-Bulawayo nemusi wa11 Chivabvu 2020 iyo yakabva yapendwa kubva muruvara rweblue ichiitwa nhema,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoti mbavha idzi dzine nyaya dzekuba dzakapata dzinokwana sere nemhosva yechibharo imwe chete. Mumwe wemakororo aya anonzi ane maronda ayo akakuvara mutsaona yemotokari izvo akataura oga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey