Uncategorized

Hari ine ropa tsve pa‘door’

04 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
Hari ine ropa tsve pa‘door’

Kwayedza

Duri rakaputirwa nejira padivi
Zvinyama ndokuitwa gatakata

IMWE mhuri yemumusha weBudiriro 5B, muHarare, yakambodzvamuka ichitiza pamusha nemusi weChipiri svondo rino apo yakafumoona duri raive rakaputirwa nejira dema, nehari nemugomo zvainge zvizere neropa nezvinyama zviri pachivanze.

Hazvina kuzivikanwa kuti zvinhu zvakaiswa nani uye kuti ropa nenyama izvi ndezvevanhu here kana kuti kwete.

Duri raive rakaputirwa nejira dema riine ropa mukati

Duri raive rakaputirwa nejira dema riine ropa mukati

Zvinhu izvi zvakaonekwa nenguva dzekuma4 mangwanani panhamba 17871 mudzimba dzemushandirapamwe weMutimutema Housing Co-operative.

Pamba apa ndepaVaClaudious Mukwati (38), avo vanova sachigaro wemushandirapamwe wedzimba uyu.

Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi pakamuka VaMukwati vachida kunogeza kuti vaende kubasa, ndipo pavakasanganidzana nezvinhu izvi zviri pamusiwo. Rimwe ropa rainge rakamwayiwa pamusiwo pose, rimwe richitova magodo asi achiita senyama yechitaka.

Pakasvika Kwayedza pamba apa, paive nemudzimai waVaMukwati, Mai Rebinah Mukwati (37), avo vakange vadzoka mushure mekumbotiza nemhuri yavo vachitya mashura aya.

Mai Rebina Mukwati

Mai Rebina Mukwati

Mai Rebinah Mukwati vanoti chiitiko ichi chiri kuvatyisa sezvo vakangomuka vachiwana pamusiwo pakaiswa zvinhu zvaive neropa izvi.

“Baba vamuka kuma5 vachida kunogeza ndokusangana nemashura aya.

‘‘Vasvetuka vodzokera mumba vachitaura zvavaona. Mabasa evaroyi chaiwo aya. Ndakabva kufirwa nemwana izvozvi, zvino totarisana zvakare nezvakadai? Zvinorema,” vanodaro.

Baba naMai Mukwati vanogara nevana vavo vana nemaroja maviri uye pakasvika Kwayedza pamba apa, zvinhu izvi zvainge zvichiripo.

Hanzvadzi yaVaMukwati, Tendai Mukwati (42), uyo akanga abvakacha pamba apa, akashayawo neremuromo.

Tendai Mukwati

Tendai Mukwati

“Ndashaya kuziva kuti chiiko nekuti mwana takamuviga, hatisati tapedza kuchema. Tave kutotsvagawo vanotibatsira kuti zvinhu izvi zvibviswe,” akadaro Tendai.

Vobvunzwa neKwayedza kuti sezvo VaMukwati vari ivo sachigaro wemushandirapamwe wedzimba uku, hapana here vavanonetsana navo, Mai Rebinah Mukwati vanoti hapana gakava riripo pakati pavo nevanhu vavanotungamirira.

“Imba ndeyedu uye hatina watinonetsana naye kunyangwe vanhu vemuco-operative,” vanodaro Mai Mukwati.

VaDavison Mukakurirei (43) vemunzvimbo iyi, vanoti nyaya iyi yokonzera kuti vanhu vagare vachitya.

“Ichi chishamiso chikuru muno. Hatina kumbobvira takaona zvakadai, tinongoti sezvo pakafiwa saka munhu akaita izvi ndiye anoziva mafiro akaita mwana,” vanodaro.

Mai Filda Mafuse (41), avo vanove muvakidzani wekwaMukwati, vanoti aya mabasa ehuroyi.

“Hatimbofunga kuti nyaya iyi kuvhundutsira! Munhu aita izvi muroyi ane chinangwa chake. Zvinoda kuti mhuri iyi ifambe nguva iripo,” vanodaro.

Zvakadai, mumwe muporofita anogara munzvimbo iyi, Mateu Mupfumbati (32) wechechi yeUngano YeVapositori, akazonzwa nezvechiitiko ichi ndokunobatsira mhuri iyi apo Kwayedza yaivepo.

Mateu Mupfambati akabata duri nehari zvaive neropa apo mhomho yevanhu yaive yakatarisa.— Mifananidzo naShelton Muchena

Mateu Mupfambati akabata duri nehari zvaive neropa apo mhomho yevanhu yaive yakatarisa.— Mifananidzo naShelton Muchena

Mupfumbati akaisa mhiko dzake pamba apa ndozokutakura duri, hari nemugomo zvaiva neropa izvo akanopisa veruzhinji vachiona.

“Nyaya iri pano yakaoma.

‘‘Ava varoyi vanoda kuona misodzi isingapere pavanhu vepano. Pane mwana achangobva kufushirwa, nhasi zvonzwai?

Muno mumaco-operative munozivikanwa nekuroyana, manje ini ndini muroyi mukuru. Tinopedzerana.

Mhomho yevanhu, kusanganisira, Mateu Mupfumbati (pakati), vachiona duri raive rapakutirwa nejira dema pamwe nehari izvo zvaive neropa zvakange zvaiswa pamusuwo wemba yemhuri yekwaMukwati

Mhomho yevanhu, kusanganisira, Mateu Mupfumbati (pakati), vachiona duri raive rapakutirwa nejira dema pamwe nehari izvo zvaive neropa zvakange zvaiswa pamusuwo wemba yemhuri yekwaMukwati

“Muchamuona munhu akaita izvi acharutsa ropa kana kudzoka oga achipenga. Kana zvapera kutsva, dota iro moisa kunze kwemusha,” akadaro Mupfumbati.

Zvinhu izvi zvakapiswa pachishandiswa parafini uye pakabuda mweya wainhuwa zvikuru uchikachidza.

Vanhu vakambodzvamuka panguva yaipiswa zvinhu izvi zvichinzi zvaizopa hunye kana kukonzera kuti vaite minyama.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey