Uncategorized

‘Haunyare hanzvadzi yakoba?’

11 Nov, 2016 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Trymore Muvhawa

IMWE chembere yakachema-chema mudare redzimhosva pamusoro pehunhu hwemuzukuru wayo, anove mwana wehanzvadzi, uyo anonzi anoshinha neshamwarikadzi dzake apo hanzvadzi yake inenge ichiona.

Tete ava, Synia Makamure vakamhan’arira Brighton Mutombo kudare reHarare Civil Court. Vanoti Mutombo ane tsika yekuuya nevasikana vake achishereketa navo pamba hanzvadzi yake ichiona uye kana akamutsiura anobva amutukirira.

“Kamukomana ikaka kane makore 21 asi misikanzwa yacho haibviri.

“Anondishungurudza zvikuru nemaitiro ake. Anouya nevasikana vake pamba achishinha navo hanzvadzi yake ichoina. Munoti kuitawo here? Anenge achidzidzisa hanzvadzi yake chii?” vakadaro tete ava.

Vakati nguva zhinji Mutombo anenge akadhakwa uye anouya kumba kunze kwoedza majongwe orira.

“Kazhinji anopinda mumba kwave kuyedza akadhakwa zvekuti fe-e. Apinda kudaro, anotanga kuridza wairesi ichiita ruzha runonzwika nevavakidzani izvo zvava kundinetsesa nevavakidzani vangu.

“Apa ndipo paasingadi kutsiurwa, ndikangomutsiura chete yava mhosva anogoti neni nanga-nanga ndoshaya kuziva kuti ndatadzei zvangu. Ndinoda kuti dare rimudzivise maitiro ake iwaya uye kuti asandituke ndikamutsiura.”

Mutombo haana kupokana nemashoko atete vake uye akati haana dambudziko kana vakapihwa gwaro redziviriro.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Makamure gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey