Uncategorized

Hochekoche yeharurwa nemunhu ane maziso 4

15 Aug, 2022 - 08:08 0 Views
Hochekoche yeharurwa nemunhu ane maziso 4 Kuomesa harurwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

HARURWA – tunove tupukanana twunowanikwa kuBikita, kuMasvingo – dzinonzi dzine nhoroondo inoshamisa sezvo dzichinzi dzakatanga kubatwa nekudyiwa pasichigare mushure mekunge mumwe tateguru wedzinza rekwaNerumedzo, uyo aive nezviso zviviri nemaziso mana, atanga kuteverwa netunhu utwu kwose kwaaienda.

Sadunhu Nerumedzo, VaFuranayi Chikwariro (83), vanoti nhoroondo yeharurwa inobva pana tateguru wavo ainzi Nameso kana kuti Nyamesomana, uyo aiva mwana waPfupajena wavanoti aiva nezviso zviviri nemaziso mana.
Harurwa dzinobatwa mugomo rinoyera reNerumedzo riri pedyo neSilveria Mission.

“Nhoroondo yeharurwa ine chekuita nechivanhu chedu kuno kuBikita kubva pana tateguru wedu Nameso kana kuti Nyamesomana uyo aiva mwana waPfupajena. Tateguru uyu aiva nezviso zviviri nemaziso mana, hapana kwainzi kumberi kana kumashure paari nekuda kwekuremara uko aiva akaita.

“Nyamesomana akarambwa nababa vake achinzi chaiva chikara, vakaramba kumuona paazvarwa amai vake vachibva vatiza nemwana uyu kuenda naye kumusha kwavo kwaMusikavanhu, kuChipinge uko akanokurira,” vanodaro Sadunhu Nerumedzo.

Jairosi Michael Vengesai vachitaridza sango reharurwa

Vanoti Nyamesomana paakazodzoka, akadzingwa nekunyangara kwake akanzi nababa vake Pfupajena anogara mugomo rava kunzi Jiri raNerumedzo umo munowanikwa harurwa.
Mukutanga kwenyaya iyi, Pfupajena – uyo aiva mwana waDindi – anonzi akaenda kuChipinge kwaMusikavanhu achinotsvaga musikana ainzi aisada kutaura nevarume nekuda kwemhiko dzaidiwa nevabereki vake pamurume aizofanirwa kumuroora.

“Pfupajena akanosvika pamusha pevabereki vemusikana akararapo. Rechimangwana racho, vakaenda kunodyara mapfunde kumunda uko aisima akasunamisa mapfunde aya asi achibata achibva apihwa musikana uyo akazouya naye kumusha kwedu kuno uyo akasvikoita pamuviri.

“Mhandara iyi yakazotiza pamba ndokuenda mugomo rava kunzi Mhandara. Vanhu vachitsvaga muroora uyu, vakamuwana mugomo iri richibva ratumidzwa kuti Mhandara sezvo iye aiva mhandara,” vanodaro.

Musasa

Sadunhu Nerumedzo vanoti mudzimai uyu akazosununguka mwakomana, machembere ndokushevedzwa vakaona mwana uyu aine maziso mana – kumberi nekugotsi – achibva atumidzwa kuti Nameso kana kuti Nyamesomana.

“Machembere aya akangopururudza kamwe chete ndokutanga kutya mashura aya ndokunozivisa baba vacho Pfupajena, avo vakati vaisada kumuona vachiti aifanirwa kuuraiwa sezvaiitwa mapatya kana vana vaye vaizvarwa vakamera mazino, pasichigare. Amai vacho vakazotiza nemwana uyu kuenda naye kumusha kwavo kwaMusikavanhu, kuChipinge uko akanokurira,” vanodaro sadunhu ava.

Nameso anonzi akanokurira kwaMusikavanhu kumusha kwanasekuru vake uko aiteverwa netuharurwa pose paaiva ari uye aiita zvishamiso zvakawanda.

“Akazooneka vanasekuru vake ndokuuya kuno apo akasvikira kuNyajena, kwaMurinye kuMorgenster, ndokuzoenda kuNyoni iri kuZaka. Akazoenda kuna Mukanganwi achiti aida kunosvitswa kuna baba vake Pfupajena.
“Shoko rakasvika kuna Pfupajena uyo akati aisada kuona mwana uyu ndokutaura kuti aifanirwa kunogara mumakomo.”

Harurwa mupepa

Nameso anonzi akasarudza gomo rinonzi Mambire uko akasvikira ndokugara achibva azotama achienda mugomo rava kunzi Nerumedzo asi panguva iyi raizivikanwa nekunzi Medziwa.
“Nameso ari mumakomo aya, akanzwa izwi raitaura kuti, ‘Ndava kukuburitsira zvipembenene uite usavi . . . harurwa dzekuti ukwanise kurarama nemhuri yako.’

“Pose paaifamba kubva kuChipinge, aiteverwa neharurwa dzaimuunganira nekumumhara. Achigara mugomo imomo, akazodzika ndokuenda kwaZiki uko akanoita mudzimai wemusengabere ndokuenda naye mugomo umo akanobata pamuviri. Hama dzemudzimai uyu padzakazouya dzichida kumutora, akaramba achiti atova nepamuviri,” vanodaro Sadunhu Nerumedzo.

Musengabere itsika yaishandiswa nevarume vakare kutora musikana wavainge vada kuroora apo mukadzi aiita zvekunyamurwa kana kutakurwa pafudzi nechisimba, murume otoenda kunogara naye semudzimai wake.
Tsika yekuroora iyi haichatenderwa mazuva ano sezvo yaidzvanyirira kodzero dzevanhukadzi kunoitwa mudzimai nemurume waaisada.
Nameso anonzi akazoita vana vake vana (4) vanoti Nemahwi, Nemaunga, Rafirwa naRagunha avo vanobata hushe hwekwaNerumedzo.

“Nameso akapa vanakomana vake ava zvigaro zvakasiyana apo Nemaunga akanzi ndiye anogadza hushe uye vamwewo ndokupihwa zvimwe zvikamu. Ini sasadunhu, ndinobika doro ndichiuraya gwayi pose panotanga mwaka weharurwa mumwedzi waKurume,” vanodaro.

Sango reNerumedzo rinonzi rinochengetwa nevanhu vanobva kudzimba ina dzekwaNerumedzo idzi uye pane nzvimbo inonzi paMusasa apo pavanoungana kubva mwaka weharurwa uchitanga kusvika upere apo Musasa uyu unozopiswa.

“Kubva ipapo, gomo reNerumedzo rinoita harurwa apo tine mhiko dzatinotevedza dzinosanganisira kusakwiramo nezvitsvuku. Hamudiwe madzimai asina kusunga madhuku, pane muti unoyera mugomo iri unonzi Mutoro uyo usingatorwe harurwa nevanhu vose vose panova panopirwa midzimu kana dzatanga.

“Mwaka weharurwa unotanga kubva munaKurume kusvika Gumiguru uye mhuri yekwaNemahwi ndiyo inoenda kunosuma kunamambo avo vanouya nadzo harurwa,” vanodaro Sadunhu Nerumedzo.
Vanhu vanoenda kunobata harurwa mangwanani apo dzinenge dzichakabatwa nechando dzichiitwa zvekuzunzwa mumiti umo dzinonzi dzinonwa dova pamashizha.

“Harurwa dzinouraiwa nekuiswa mumvura inodziya dzozokangwa, dzinobvira semoto zvinoreva kubva kwemuto unovava. Dziya dzinovava dzinonzi fuve, iyo inoonekwa nepachipfuva pakasviba.”
Mugomo iri munonzi hamubvumidzwe kupinda mapurisa ane cheni (ngetani) uye munochengetwa nevaridzi venzvimbo iyi.

Harurwa dziri kufarirwa zvakanyanya sezvo kunzvimbo iyi kuchienda vanhu vachinodzitenga vachienda nadzo kwakasiyana, kusanganisira kunze kwenyika.
Vamwewo vanonzi vanogadzira mushonga wekuuraya tumbuyu nezvimwe zvakasiyana kubva muharurwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey