‘Huku dzechivanhu dzine mari’

04 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
‘Huku dzechivanhu dzine mari’

Kwayedza

SANGANO rinomirira varimi vanopfuya huku dzechivanhu reZimbabwe Free Range Poultry Producers Association (ZFRPPA) rokurudzira kuti vavandudze mabasa avo kuburikidza nekuchengeta huku dzakawanda kuitira kuti vazoacdzitengesa izvo zvinovapa raramo.

Mai Beauty Jiji (54) vanova secretary-general wesangano iri vanoti varimi vazhinji vanopfuya huku dzechivanhu vane pfungwa dzekuti dzinongomirira kuti vadye nyama chete vasina zano rekuti vaite mari nadzo.

“Idonzvo redu kuti varimi vangava vakuru kana vadiki vararame nezvavainazvo zvakavakomberedza. Sekuti murimi akachengeta huku dzake dzechivanhu, dzinofanirwa kumuwanisa usavi pamba uyewo nemari yekuita mabasa akasiyana, kusanganisirawo kuendesa vana kuzvikoro,” vanodaro.

Vanoti havasi kumirira pavarimi vehuku dzechivanhu chete asiwo nevaye vanopfuya madhakisi, hangaiwa, hanga, matoki nezvimwewo zvakasiyana zvinopinda muchikamu cheshiri.

“Zvose izvi tiri kudzidzisa varimi vedu kuti vasashandise mishonga yechiRungu pazvikupfuya asi yechinyakare yaishandiswa nemadzitateguru edu yakaita segavakava, mucherechesa, chin’ai, hanyanisi, garlic, mhiripiri nemimwewo mishonga yechivanhu yakasiyana,” vanodaro.

Mai Jiji vanoti dzidziso iyi vari kuiwana  kubva kune dzimwe nyanzvi sezvo kwava nezvimwe zvirwere zvisingakwanise kurapika muhuku nedzimwe shiri nemishonga yechiRungu.

“Tiri kushanda nemakambani anowanisa huku nehukwana dzechivanhu uko vamwe varimi vanokwanisa kutenga ari mazai. Misha mizhinji yasimukira nekuda kwezvirongwa zvatinotungamirira izvi apo tinotova nezvikwata zvevarimi zvinokwana makumi mana munyika,” vanodaro.

Parizvino vanoti vari kudzidzisa varimi vanodarika 500 machengeterwo akanaka ehuku dzechivanhu.

Zvakadaro, vanoyambiwaro veruzhinji nekuda kwemakoronyera ari kufamba achiti anotengesa huku dzechivanhu nemazai acho sezvo vanogona kutengeserwa hukwana dzisingakure.

“Varimi vehuku nedzimwe shiri tikabatana hutsotsi hunoita hushoma nekuti tinenge tichizivana pasina anopfekera pakati pedu,” vanodaro Mai Jiji.

Kune vanoda kuziva zvakawanda pamusoro pechirongwa ichi vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 0779 600 730 votaura naMai Jiji.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey