Mudzimai wekuBuhera oita zvinorova nebadza

03 Apr, 2024 - 16:04 0 Views
Mudzimai wekuBuhera oita zvinorova nebadza Mai Christina Chimuti Taranhike

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURIMI wechidzimai anogara mubhuku raMukoto, kwaMukondomi, kudunhu raMambo Makumbe, kuBuhera, anotenda rusununguko ruzere rwenyika ino sezvo munguva yehutongi hwevachena kwaisawanikwa madzimai aipinda munyaya dzebudiriro yekurima.

Mai Christina Chimuti Taranhike (54) vanoti nekuda kwekuzvitonga kuzere kweZimbabwe, vave kurima pamadiro.

“Isu semadzimai, taitarisirwa pasi asi nhasi tarisai muone tava kuwana mabasa epamusoro uye tichiita mabasa anonzi aiitwa nevarume chete. Nhasi ndiri murimi anozivikanwa kuno kuManicaland yose,” vanodaro Mai Taranhike.

Vanoti vanorima mbesa dzetsanga diki idzo dzinotivirira munguva ino yekushanduka kwekunze apo mvura iri kunaya shoma.

“Ndaimbogara kuHarare ndikazodzoka kuzogara kuno kumusha kwandinoti kumuzinda uko ndiri kusimudzira upenyu hwangu, zvose nemamwe madzimai nevechidiki vakandikomberedza. Ndinorima mbesa dzinosanganisa zviyo, mhunga, mapfunde, mufarinya, garlic, ginger, maringazuva, chibage, nzungu, nyimo, velvet beans nembambaira.

Chibage chinyoro

“Ndine miti yemichero inosanganisa miranjisi, mimango, minachisi, miremani, migwavha nemichero yemusango yakaita semisau, mitsubvu, mitohwe, mitufu, mitamba nemihacha. Michero iyi ndinotengesa uye ndinopfuyawo nyuchi apo ndiine mikoko gumi izvozvi,” vanodaro.

Mai Taranhike vanoti basa rekurima vanoriita nemvura yekunaya uyewo nekudiridzira sezvo vaine chibhorani pamusha pavo.

“Mukurima kwangu ndinoshandisa mbeu yemudura yandinogadzira ndoga kubva muminda ndoisa mishonga inouraya zvipfukuto. Buhera hainaye mvura saka ikurudziro yangu kuvarimi vose kuti varime mbesa dzinoshingirira muzuva nemichero yemusango. Garlic neginger ndakatokohwa kare takatodyara mimwe minda chidimbu chehekita unova wekudiridzira,” vanodaro Mai Taranhike.

Chibage chinyoro nemuboora

Garlic netsangamidzi vanoti vanoomesa vogaisa kuita mupfumbwe voisa mumapepa iyo vanotengesa munyika muno nekunze.

Zvakadai, murimi uyu ari kukohwa zviyo izvo zvakarimwa pamunda wakakura mahekita matatu uyewo akarima mhunga hekita imwe chete, hekita yemapfunde nemufarinya.

Mai Taranhike vanoti vanoshandisa manyowa ekuzvigadzirira pasina fetiraiza yekutenga muzvitoro.

“Zvirimwa zvangu zvose, kusanganisa nemichero, ndinoshandisa mupfudze wekugadzira ndoga unonzi Vermi Compost yandinoti organic manure. Handina chandinorasa pano, zvose zvinoenda mukombositi, panoworera manyowa aya anodyiwa nemakonye ndogadzira fertilizer yangu.

“Zvinoreva kuti hapana chandinotenga pano, zvose ndinogadzira ndoga kubvira kumbeu yacho. Mubasa rangu ndinoshanda nemayunivhesiti nemasangano akazvimirira.”

Hanga nehuku

Mai Taranhike vanoti vanotevedza nzira dzekuvandudza ivhu nekurichengetedza zvakaita sekuchera makandiwa muminda.

“Ndine zvibhorani zvina nematangi ekuisa mvura anoti rinotakura marita 450 000 nerinotakura 10 000. Imwe mvura tinoichengeta inobva pamatenga edzimba mumarata iyo tinozoshandisa panguva isinganaye mvura. Tinorimawo chirimwa chinonzi turmeric chinosanganiswa nemupunga pakudyiwa,” vanodaro Mai Taranhike.

Mai Taranhike nembudzi

Murimi uyu anoti ane vashandi makumi matanhatu, michina yekumenya zvirimwa nekutonongora uyewo nekusvuura kuti basa riite nyore.

“Vashandi vangu madzimai nevechidiki vanobva munharaunda medu. Munda wangu wava kuita mudiki pabasa randinoita saka ndinoda wakakura. Izvozvi ndinongova nemahekita gumi nemaviri chete.

“Ndinoshanda neGreat Zimbabwe University neWorld Vision kazhinji nemamwewo masangano akazvimirira nevarimisi vemuno muBuhera. Mufarinya ndinoomesa ndogaya hupfu uhwo ndinoisa mumapepa ndotengesa muno nekunyika dzekunze. Ndinoshandisa dandemutande kushambadza zvirimwa zvangu.”

Mai Taranhike vari mubhinzi

Murimi uyu anoti pakukohwa chirimwa choga-choga chinogona kuburitsa goho rinopfuura matani gumi uyewo zvimwe zvirimwa vanotengesa zviri zvinyoro.

Mudzimai uyu anoti anoshanda nemurume wake VaDoubt Taranhike avo vanosevenzera kuHarare.

“VekuGreat Zimbabwe University neveWorld Vision nemamwewo masangano vanouya vachiona nzira dzandinoshandisa pakurima. Ndinoti makorokoto nekuzvitonga kuzere, happy 44th Independence kuruzhinji rweZimbabwe ndichiti ngatishandisei maoko,” vanodaro Mai Taranhike.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>