Uncategorized

Imbwa dziri kuruma vatenzi

08 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
Imbwa dziri kuruma vatenzi

Kwayedza

MUDZIMAI nemurume wake, avo vava chembere neharahwa vekuChivhu, vanoti vashaiswa rugare nembwa dzemwanakomana wavo idzo dzinogara dzichivaruma pamadiro asi pasina matanho anotorwa.

Mbuya Rebecca Munzvengwa (68) naSekuru Timothy Munzvengwa (85), vemubhuku raMunda, kwaSadza, vanoti vaoneswa chakati tende nekurumwa nembwa dzemwana wavo, Ngoni Munzvengwa.

Ngoni anoshanda semutyaira weamburenzi pachipatara cheHwedza, uye nguva dzakawanda pamusha pake panenge paine mudzimai wake nevana.

Imbwa idzi dzinonzi dzakatanga kuruma zvipfuyo munharaunda dzisati dzanhanhira kuruma mbuya nasekuru ava.

Pakashanyirwa vakwegura vaviri ava pamba pavo neKwayedza nemusi weChishanu svondo rapera, vakawanikwa vachiyuwira nemaronda ekurumwa nembwa idzi apo vachitevedza neberere remba yavo vachiti vaisakwanisa kunyatsofamba.

Mbuya Munzvengwa vanoti havazive kuti imbwa dzemwana wavo dzapindwa nei.

“Tave kutadza kugara pano nekuda kwembwa idzi, hadzaimbodaro kare. Iye zvino tave kutoita setinogara neshumba kana zvikara zvemusango. Dzichaguma dzauraya vanhu pano bedzi,” vanodaro.

Vanoti vakarumwa zvakaipisisa pachidya chegumbo rekuruboshwe izvo zvave kukonzera kuti vatadze kufamba zvakanaka.

“Musi uyu ndakabva kuchechi ndokupinda pachivanze chepamba pangu, dzimba dzemwana wangu apo panembwa idzi dzakavambirana nedzangu. Dzakangondiona ndave kubvisa mbatya pawaya ndokundimhanyira kuzondiruma dziri shanu kusvikira ndapunzikira pasi nemusana dzimwe dzichuruma chidya. Ndakachema asi paisava nemunhu wekundinunure,” vanodaro.

Mbuya Munzvengwa vanoti vakazoendeswa kuchipatara chekwaSadza uko vakanorapwa vakapihwa mapiritsi nemishonga ndokudzoswa kumba.

“Pandakarumwa apa ruwoko rwakazvimba apo ndakapunzikira pasi.”

Pakabvunzwa chembere iyi kuti nyaya iyi yakasvitswa kumapurisa here uyewo kuti imbwa idzi dzakabaiswa majekiseni ekudzivirira chimbwamupengo here, vakati hapana zvavanoziva.

“Hapana danho riri kutorwa kuti imbwa idzi dzisarume vanhu saka tichiti pachaguma pauraiwa munhu bedzi pano. Iye muridzi wacho hatizivewo zvaanofunga,” vanodaro.

Kubva pavakarumwa, vanoti havasi kurara nekurwadziwa. Sekuru Munzvengwa vakawanikwa vakapfeka bhurukwa ravanoti raiva rabvarurwa nembwa idzi pavakarumwawo.

“Ini ndini ndakatanga kurumwa gore rakapera. Dzakandiruma zvakaomarara ndikaporera pano pamba pasina kuenda kuchipatara.

“Svondo rakapera dzakandidzokorora zvakare.

‘‘Ndakasvika pamba ndichida kubvisa machira pawaya dzikandiruma ndakawira pasi ndokundibata dumbu ndichingozhamba kuchema. Dzakazondiregera ndakuvara asi handina kuenda kuchipatara,” vanodaro.

Sekuru ava vanoti vane maronda ari kurwadza pagumbo nepadumbu ekurumwa nembwa idzi.

“Imbwa idzi dzinopihwa kudya kutodarika vanhu, hatizive kuti chikonzero chei chadzipandutsa kudai. Pamba paNgoni hapasvike vanhu nekuda kwembwa idzi,” vanodaro.

Muroora wavo mudzimai waNgoni, Jane Mundava Munzvengwa, anotsinhira kurumwa kwatezvara navamwene vake achiti haatonzwisisawo kuti imbwa idzi dzakanga dzapindwa nei.

Jane anoti vanogara zvakanaka nembwa idzi kumba kwavo zvisinei nekuzoruma kwadzave kuita vabereki vemurume wake.

Mudzimai uyu haana kukwanisa kuziva kuti imbwa dzavo dzakabaiwa majekiseni ekudzivirira zvirwere here.

VaElliot Taruvinga (83), avo vakawanikwa vashanya pamusha apa kunoona varwere ava, vakaratidza kusafara nenyaya iyi vachiti imbwa idzi dzichaguma dzauraya vanhu.

“Pamusha pemukomana uyu hapasvikike nekuda kwembwa idzi, tinoti dai kwatorwa matanho nenguva dzisati dzauraya vanhu,” vakadaro.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naNgoni nekuda kwenyaya iyi achinzi aive kubasa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Nobert Muzondo, vanoti imhosva kuti munhu arege imbwa dzake dzichiruma vanhu kana kumberereka nenyika sezvo dzichifanirwa kuchengetedzwa.

“Tinokurudzira kuti kana vanhu vakarumwa vanomhan’ara kumapurisa uyewo nekuenda kuchipatara kunorapwa nekuti vanogona kupihwa chirwere chechimbwamupengo,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey