Ipai vanhukadzi mikana: Emma Nyerere

18 Mar, 2016 - 00:03 0 Views
Ipai vanhukadzi mikana: Emma Nyerere

Kwayedza

VANHUKADZI vanofanira kupihwa mikana yakaenzana nevanhurume mumabasa uye kutsigirwa mumabhindauko avanoita.

Mashoko aya akataurwa naMuzvare Emma Nyerere Lwatama anove, uyo anova mwanasikana wevaimbove mutungamiriri wenyika yeTanzania, mushakabvu VaJulius Nyerere, svondo rapera.

Vachitaura nevatori venhau muHarare pamusoro pemhemberero dzezuva revanhukadzi pasi rose, reInternational Women’s Day, Muzvare Nyerere vanoti vanhukadzi vanoda rutsigirwo rwuzere.

Vanoti zvakakosha kuti Africa yose ibatane mukusimudzira vanhukadzi.

“Vanhukadzi vanofanirwa kupihwa mikana mumabasa ayo anonzi ndeevarume, mabasa epamusoro pamwe nekutsigirwa mumabhindauko akasiyana. Chimwe chatinofanira kukoshesawo utano hwevanhukadzi,” vanodaro Muzvare Nyerere avo vanove zvakare chamangwiza wekambani yeReal Estate Guru, kuTanzania.

“KuTanzania ndinova zvakare mumwe wevatungamiri vesangano reNetwork for African Business Women iro iri pasi peGraca Machel Trust. Tiri kubatanawo neZimbabwe Network for African Business apo tiri kudzidzisa vanhukadzi mabasa emawoko ekuzvisimudzira kuti vakwanise kuzvimirira vasangomirira vanababa.”

Vanotizve vave pachidanho chekuita mabhindauko anosanganisira zvemigodhi nekurima vachibatsira vanhukadzi vanobva kunyika dzakasiyana.

“Vanhukadzi tinokwanisa kuva zvatinoda kubudikidza nekuzvisimudzira. Tine zvakare Tanzanian Women’s Bank iro rinotungamirwa nemunhukadzi uye 75% yemari irimo ndeyevanhukadzi vanoita zvemabhindauko,” vanodaro.

Mai Hazel Chinake, avo vanova mutungamiri wesangano reNetwork for African Business muZimbabwe, vanoti kubva gore ra2012 vachitanga vakabatana nemasangano akazvimiririra anosvika 50 mukuvandudza raramo yevanhukadzi.

“Tiri kuita mabhindauko akasiyana kubva kumaruva kusvika mumaguta nemadhorobha. Donzvo redu nderekuti vanhukadzi vasatarisirana pasi.

“Tinoshanda nekubatsira vanhukadzi vanosvika 10 000 avo vazhinji vavo vanobva mumaruva,” vanodaro.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, chamangwiza wekambani yeLafarge Cement Zimbabwe, Mai Amal Tantawi, avo vanova zvakare vakatsigira musangano uyu vanoti chishuwo chavo ndechekusimudzira vanhukadzi.

“Vanhukadzi vanofanirwa kupihwa mikana yakaenzana nevanhurume mumabasa,” vanodaro Mai Tantawi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey