Mucherechedzo wemudzimai anoshanda . . . Gogo vane nguruve 800

15 Apr, 2024 - 17:04 0 Views
Mucherechedzo wemudzimai anoshanda . . . Gogo vane nguruve 800 Gogo Nyagano vari mudanga redzimwe nguruve dzavanochengeta.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

GOGO Letwinner Nyagano (60) vekuWard 15 kwaMubaira, kuMhondoro, vari kuita zvinorova nekuchengeta nguruve dzinosvika 800 uye vanoti vanotenda runyararo rwuri munyika rwunoita kuti vanhu vaite mabhindauko avo vakasununguka nekuda kwehutongi hwevatema.

Izvi zvaona vachipunduka nemabasa avo vari papurazi ravo reNyagaCity Piggery.

“Ndava nemakore gumi ndiri mubasa iri, rinoita kuti mhuri yangu isarohwe nenzara. Ndinoshandisa mvura yemuchibhorani mumabasa angu ose – kushambidza matanga neinonwiwa nezvipfuyo zvangu. Chikafu chenguruve handitengi nokuti ndinorima ndogadzira ndega pano, ndine chigayo uye muchina wekusanganisira chikafu (feed mixer) wakakura uyo ndakapihwa sechipo nebazi rinoona nezvekusimudzirwa kwemadzimai pazuva reInternatinal Women’s Day iro rakaitirwa papurazi pangu gore rino,” vanodaro.

“Ndinodzidzisa zvekare vadzidzi vekumakoreji, madzimai echidiki ari muboka reYoung Women 4ED nevamwe vakazvimiririra vane shungu dzekuita zvemibato yemaoko. Ndinobatsira varwi vehondo yerusununguko, vanotora zvinodhaka nevanobva kune dzimwe nyika sekuSouth Africa ndichivapa ruzivo rwekupfuya nguruve nehuku, kurima mbambaira, nzimbe nekuchechenya mazai ehuku.

“Ndavaka chitoro chekutengesera nyama yenguruve nezvigadzirwa zvinobva munguruve zvakadai sepolony, masoseji nenyama dzemumagaba. Saka ndinotarisira kuti gore rino hariperi ndisati ndatanga kutengesa muchitoro changu chiri munharaunda ino,” vanodaro.

Gogo Nyagano

Gogo Nyagano vanoti vakakurira papurazi rasekuru vavo kumusha kwavo kuMasvingo uko vairima nekufudza mombe kureva kuti zvekuchengeta zvipfuyo rakagara riri muropa.

Nguruve dzose dzavari kuchengeta imhando yekuSouth Africa uye hono imwe chete inonzi inoberekesa hadzi dzinosvika 15.

Matanga avo enguruve ane mipanda yakasiyana inoti munogara dzine mauta, hono nediki.

“Ini pachangu ndiri nyamukuta wenguruve saka pose pandinoona kuti dzava padyo nekubara, vashandi vanodziwaridzira machira ndodzibatsira kuti dzisununguke zvakanaka pasina kutsimbirira vana vadzo kana kudya sezvo dzimwe dziine katsika kekudya vana mushure mekubara,” vanodaro.

Gogo Nyagano vanoenderera mberi vachiti: “Dambudziko guru kuderera kwemitengo yenyama yenguruve zvinoita kuti purofiti ive shoma. Chikafu chinogona kunetsa zvekare vamwe varimi kana takatarisa kusanduka kuri kuita mamiriro ekunze uko kwakakonzera nzara sezvo mvura isina kunaya zvakanaka gore rino.

“Nguruve dzinoda kugara panzvimbo yakachena dzichiwaniswa chikafu chakawana.”

Vasati vapinda mubhindauko rekupfuya nguruve, Gogo Nyagano vaive human resources practitioner rinova basa ravakafundira uye vakarisiya muna2008.

Vanoti vari kutarisira kuvhura chikoro chikuru chezvekurima papurazi ravo rakakura mahekita 15.

Mhando yehuku dzakasiyana-siyana

Kunze kwekuchengeta nguruve, Gogo Nyagano vanorima chibage, nzungu, nyimo, mbambaira nekuchengeta hove.

Vanokurudzira mamwe madzimai kuti vaite mabhindauko anovararamisa nemhuri dzavo uye vosiyana netsika yekutengesa muviri.

“Mukutengesa muviri ndimo mukubaiwa nemapanga, kutapurirwa zvirwere zvepabonde seAIDS, kuitiswa pamuviri pasina kurongeka nezvOse zvinoshungurudza raramo yako. Kumudzimai ari kunze uko ndinoti rongeka, ita mabasa anoita kuti ushaye zororo asi uchiwana mari inobva mumibato yako yemaoko.

“Kurima ibhizimusi riri nyore kuita uye rinovaraidza nekuti zuva rega-rega hauzoshaye zvekuita,” vanodaro.

Vanotenda murume wavo, Sekuru Joel Nyagano, avo vanomira navo mubasa iri.

Share This:

Sponsored Links