Jazz neSoul yabatanidza vaimbi

22 Jun, 2023 - 20:06 0 Views
Jazz neSoul yabatanidza vaimbi Louis Mhlanga

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIRONGWA cheJazz and Soul of Zim Music Festival icho chichangobva kuitwa chinonzi chakabata basa guru rekuunganidza pamwe nekubatanidza vaimbi avo vakatandadza vatsigiri vemhanzi mumazuva mana kuSherwood Golf Club, kuMalbereign, muguta reHarare.

Vaimbi vakaita saSelmor Mtukudzi, Mbeu, Natty O, Victor Kunonga, Jeys Marabini, Diana Samkange naLouis Mhlanga wekuSouth Africa vakaridza padopiro iri.

Maneja wepaSherwood Gold Club anove mumwe wevarongi vechirongwa ichi – Yasin Dhala – anoti shoo iyi yakabatsira zvakanyanya kubatanidza vaimbi uye dopiro iri richagara richiitwa gore negore.

Anoti chirongwa ichi chichabatsira zvikuru kupa mukana kune vaimbi vari kusimukira kuti vadzidze kubva kune vane mukurumbira.

“Isu tinokurudzira kubatana kwevaimbi saka izvi ndizvo zvatakaona apo vaimbi vakabatana vachishanda vese pachirongwa cheJazz and Soul of Zim Music Festival. Vaimbi vanofanirwa kubatana nekuti zvinobatsira kusimukira kweindasitiri yezvemimhanzi.

Selmor Mtukudzi

“Isu kudivi kwedu tiri kupfuurira mberi nechirongwa ichi, ticharamba tichiita shoo iyi nechinangwa chekubatanidza vaimbi nekupa vatsigiri vemhanzi mafaro asingapere nekuti pane vaimbi vakawanda mafaro acho anenge asingapere,” anodaro.

Dhala anoenderera mberi achiti: “Vaimbi vari kusimukira vanofanirwa kuwaniswawo mukana wekukura saka isu tichashanda navo tichivapa mukana wekuridza pese patinenge tichironga chirongwa cheJazz and Soul of Zim Music Festival kuitira kuti vadzidze uye vagoonekwawo nevatisgiri vagadzirewo mazita avo mumhanzi.” anodaro Dhala.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey