Josphat Somanje adzoka mudariro

09 Jun, 2023 - 17:06 0 Views
Josphat Somanje adzoka mudariro Josphat Somanje

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUIMBI weSungura, Josphat Somanje, uyo anotungamirira chikwata cheSomanje Stars abura dambarefu idzva rinonzi Daniel Chapter 7 rine nziyo nhanhatu dzechitendero.

Josphat, uyo aimboimba nemukoma wake mushakabvu Daiton Somanje kuchikwata chePengaudzoke, anoti ane nziyo dzinosvika 15 idzo akanyora pamwe nekuimba mumakore adarika.

“Murumbo Daniel Chapter 7, pane zvakarotwa naDaniel (wemubhaibheri) apo akaona mhuka dzokudenga dzichubuda mugungwa saka imwe yaive nenyanga gumi, imwe iine nyanga gumi neimwe ichitaura zviri kuitika mudenga nepasi,” anodaro Josphat.

“Ndange ndava nekanguva ndakati zii-i zvangu ndisina kubura dambarefu. Mwoyo waida asi zvigozhero ndizvo zvinowanda. Saka gore rino ndakabura dambarefu idzva rechitendero randakapa musoro wekuti Daniel Chapter 7, rakatakura dzidziso yakawanda maringe nekufurirwa kana kunyengedzwa kuri kuitwa vanhu vachizogumisira vawira mumadhaka.

“Mukuimba uku, ndinopa yambiro kuti vanhu vangwarire vanyengedzi nekuti vawanda zvikuru,” anodaro.

Josphat anoti mukuimba kwake anosanganisa misambo yakadai seRhumba, Jiti nechitendero kuti zvibate marudzi ose munyaya dzetsika nemagariro.

Dzimwe nziyo dzakaburwa naJosphat dzinosanganisira Sango Remichero, Tambira Pasuru, Kudya Kwenzeve, Nhengure, Takasara Nguva, Hope Dzeumambo, Tendai Mwari, Moto Uyo, Umbowo, Shiri Yedendera naThis Time Zvine Zvinozvidaro.

Josphat anochema-chema nenhau yekudhura kunoita kutsikisa nziyo muZimbabwe achiti pamwe pacho izvi zvinoita kuti mimhanzi iyi isabude zvakanaka.

“Ndinotenda zvikuru sangano reZimbabwe Music Rights Association (ZIMURA) nekutipa rutsigiro rwekutidzidzisa kuti tizive nezvekodzero dzedu sevaimbi, tisabirwe mabasa edu atinenge tagadzira asati asvika kuvanhu zviri pamutemo nekuti ndiro dambudziko guru. Vamwe vanoba zano racho chairo voriita ravo,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey