Khan akasiya hurukuro

23 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

AMIR Khan akasiya hurukuro dzekuronga mutambo wekuzorwa naManny Pacquiao, sekutaura kwemapepanhau ekuAbu Dhabi. Chizvarwa chekuBolton ichi change chiri muhurukuro neshasha yekuPhilippines iyo inotarisirwa kudzoka mutsiva gore rino risati rapera mushure mekurapwa ruwoko rwaakakuvara paakarwa naFloyd Mayweather (Junior) gore rino muna Chivabvu.

Pacquiao akabvuma kuti mutambi wewelterweight, Khan, anogona kusangana naye apo anotarisira kudzoka mutsiva zvichitevera kukuvara kwaainge amboita, asi tarisiro yaKhan yaenda mudondo sezvo pane fungidziro huru kuti Pacquiao ari kuda kurwa naMayweather (Jnr) zvekare, kunyangwe hazvo chizvarwa chekuAmerica ichi chakasiya zvetsiva.

Khan, uyo aimborwa pamwe chete naPacquaio kare apo vatambi vaviri ava vaidzidziswa naFreddie Roach, akazivisa kuti vamiriri vake nevaPacquiao vakasangana svondo radarika kuDoha vakatadza kuwirirana. “Ndakagumbuka zvikuru nezvaitwa naManny nechikwata chake. Havasi kuita.

“Ndabuda muhurukuro handicharwe naManny Pacquaio. Vanozviziva kuti ndiri mutambi akaita sei uye vanozviziva kuti ndinogona kumukunda. Saka chingave chii chiri kuvatadzisa kusaina kondirakiti ipo pane mari yakawanda kudai? “Handingazive hangu kuti Mayweather achabvuma kurwa naPacquiao zvakare here. Zvinogona zvirizvo zviri kumutadzisa kuti arwe neni, asi handingazive hangu,” akadaro Khan.

Khan ave kutsvaga mumwe mutambi wekurwa naye gore rinotevera uye mumwe wacho ndiKell Brook uyo ane bhande reIBF welterweight.
“Handisi kuzoramba ndakamirira Manny sezvandakaita Mayweather,” akawedzera. “Ndiri kuda kurwa uye ndakagadzirira, kana vasingade kurwa neni zvakanaka chose, varipo vamwe vandinogona kurwa navo.” — Sky Sports News

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey