Kupambwa kwaBeaula

13 Jan, 2017 - 00:01 0 Views

Kwayedza

MUCHIKAMU chino tichange tichiita mhenenguro yemabhuku enganonyorwa ari kudzidzwa padanho reA-Level kupepa reuvaranomwe. Zvinhu zvizhinji kwazvo zvinotariswa pakudzidza uvaranomwe hweShona, kunyanyanyanya takanangana nemabhuku enganonyorwa.

Zvino muchikamu chino tichange tichiita mhenenguro yebhuku rimwe nerimwe takanangana nezvinhu zvinowanikwa padanho rino zvinove zvinosanganisira: kupindirana kwemusoro webhuku nenyaya, madingindira anowanikwa mumabhuku acho, makakatanwa, matambudziko anowira vatambi, zvinoreva mazita evatambi, rongetedzo dzenyaya, nzvimbo nenguva, kutendeseka nekusatendeseka kwenyaya, zvidavado zvinoshandiswa nevanyori pakuruka nyaya, shungu nevavariro dzevanyori pamwe chete nehukama hunenge huri pakati pevatambi.

Zvimwe zvinhu zvadomwa apa zvinogona kusiyana zvichienderana nebhuku rinenge richipenengurwa. Nekudaro tichatanga kuita mhenenguro yebhuku rinonzi Mavanga Orudo rakanyorwa naStephen Mushamba rikatsikiswa neveBooklove Publishers.

Mavanga Orudo inyaya iri pamusoro pemukomana anonzi Stanley Mafa akanga anyura murudo neimwe tsvarakadenga yainzi Beaula yaakasangana nayo panzvimbo yeUniversity of Zimbabwe apo vese vainge vachiita zvidzidzo zvavo zvepamusoro. Mwoyo yevaviri ava yakanamirana ndokuve chinhu chimwe chete kusvika vatenderana kuzotsaudzwa nerufu chete.

Rudo rwavo rwaisave rwekufungidzira asi rwemandorokwati. Beaula akada Stanely aive murombo ndokumubatsira zvikuru pane zvaaida kuti agadzirise hupenyu hwake kusvikira azowanawo rake basa pakambani huru inogadzira shangu muguta reGweru. Izvi zvinoburitsa pachena mutauro wekuti mwoyo muti unomera paunoda.

Rudo rwaStanley naBeaula rwuri pakati pekubvira moto saizvozvo muvengi anopindira pakati pavo ndokupamba Beaula, uyo akanga achishanda saodhita pane imwe kambani yakanga yakumbirwa kuti iongorore mafambiro aiita mari paC and T Private Limited.

Zvino matsotsi aiba mari yaishaikwa paT and C Private Limited paanoona kuti akanga ave kuzonyukurwa, anotora matanho akasiyana-siyana kuti aedze kukanganisa chikwata chemaodhita mukuita basa rawo kuburikidza nekutapawo Beaula aitungamira chikwata ichi. Kuita uku kunosiya Stanley ave nedzvanga rerudo rakanga rave kumudya mwoyo zvisina mukare akamboona.

Chiitiko chekutapwa kwaBeaula nematsotsi epaC and T Private Limited chinokonzera mavanga asingaperi kuvatambi vakatsaukana, ayo ainge akokwa nerudo.

Veduwe chitaurirwa hunyimwa mbare dzokumusana. Kutsanangura mafambiro enyaya iyi kunonetsa, zvinotoda uchizviverengera woga. Mushure mekutapwa kwaBeaula; mukomana wake Stanley anotora matanho akawanda achironda mhondi dzainge dzapamba mumwe wake.

Kune rimwe divi mhondi dzinotsvagawo mazano akasimba aiita kuti dzisazobatwa pane zvese zvadzaiita. Umhondi, huwori, ruchiva nekusavimbika kunokoka mapurisa, vematare edzimhosva, vemajeri, vanachiremba, vanamukoti nevamwewo.

Munyaya yekurondwa kwemhondi munove nekudeuka kweropa zhinji kwazvo reavo vakanga vasinawo mhaka. Zvinozadzisa kuti rudo rwaBeaula naStanley rwakasiya mavanga kwete kwavari chete asi kuvanhu vakawanda.

Stanley anoratidza kuti rudo rwunotora kese kaunako kuti usvike pamudzi warwo. Anorwa semurume dakara akwanisa kunotakanura musikana wake, Beaula uyo akanga apambwa ari munzvimbo yeChriston Bank.

Nzvimbo iyi yaive mumapurazi uye ndiyo yaishandiswa nemhondi kuronga mabasa ose ehuwori. Stanley anoshandisa umhare neushingi kudzimara asunungura musikana wake kubva muhunhapwa ndokudzokerana pamwe chete.

Muchidimbu, aya ndiwo mafambiro anoita nyaya iyi kubva kwekutanga kusvika kumagumo. Tinoenderera mberi svondo rinouya totarisa kupindirana kwemusoro webhuku nenyaya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey