‘KUPEMHA MARI BODO!’

19 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
‘KUPEMHA MARI BODO!’

Kwayedza

  • ‘Vana ngavave kuchikoro nevamwe’

  • ‘Batai ‘vabereki nevakuru vezvikoro’

VAMWE vanhu vari kushora zvikuru tsika yekupemha mari dzechikoro iri kuitwa nevamwe vana mumaguta panguva yavanofanirwa kunge vari muchikoro.

Kwayedza svondo rino yakaita ongororo zvichitevera kuwanda kuri kuita vana vari kuonekwa vakapfeka yunifomu vachipemha apo vamwe vanenge vaine vabereki vavo, zvikuru avo vanorarama nehupofu.

“Ini handioni chiri chinhu chakanaka kuti vana vafambe vakabata zvipepa zvinenge zvakatodhindwa nevakuru vezvikoro zvichiratidza kuti vane kodzero yekunhenhaira neguta vachikumbira mari dzechikoro nekuti vabereki vavo vanotambura.

“Kudai vari ivo vabereki vacho vanopemhaka, vana vari kuchikoro nekuti mamwe mazera evana vatiri kuona vachikumbira mari vadiki kwazvo uye zvinovapa mikana yekushungurudzwa nenzira dzakaita sechibharo kana kutukwa,” akadaro Tatenda Machingura (19) anodzidza paVista Vision College.

Divine Matsika (20) wepakoreji imwe chete iyi anotiwo kupemha hakuna kushata nekuti kunoratidza kuti vana vane shungu dzekudzidza nekuzvitsvagira voga mari dzechikoro.

“Chinoitika ndechekuti muzvikoro umu vana vanodzingwa vachinzi havana kubhadhara fizi, vamwe vachitosvika pakudzimwa muregisita rechikoro. Kana vadzingwa vamwe vabereki vanongotarisa mwana vototi agare pamba achivabatsira basa. Vakuru vechikoro netsitsi dzavo vanongozovanyorera matsamba ekuti vaende kunopemha,” akadaro Matsika.

Mai Laiza Mukuwane (46) vekuDzivarasekwa vanoti hazvifadzi kuona pwere dzichisweropemha mari dzechikoro mumigwagwa.

“Tinogara tichiona vana vachifamba netwupepa vachipemha. Izvi zvinorwadza zvikuru nekuti vana ivavo vane mikana yekutsikwa nemotokari kana kubiwa chaiko.

‘‘Izvo zvikoro zvinofanira kutsvaga nzira dzazvinoita kuti vana vabhadharirwe mari dzechikoro vachidzidza nevamwe, vakachengetedzeka sekutsvaga masangano anobatsira vana kana kuronga nzira dzekubhadhara nadzo vachitaurirana nemubereki.”

VaClayton Kachasu (45) vekuMabvuku, muHarare, vanotiwo vabereki nezvikoro zviri kunyorera vana magwaro ekuti vana vaite zvekupemha mari vanofanirwa kusungwa.

“Mutemo unoona nezvekushandiswa kwevana vasati vabva zera unorambidza zvose izvi.

Vamwe vabereki tinotovaona vari muno mumaguta vakagara vakahwandira vachituma vana kuti vapemhe mari uye vana ivava vanenge vachitopihwa tageti yemari yavanofanira kusvitsa pazuva,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey