Uncategorized

Kwakabva – GANDAVAROYI

29 Jan, 2016 - 00:01 0 Views

Kwayedza

IYI inzvimbo iri muGokwe North. Nzvimbo iyi zimwena rinoenda pasi, rakadzikadzika riine mangondo nematombo. Makare-kare vaRungu vasati vauya, ndimo maikandwa vanhu avo vaipomerwa huroyi. MuGokwe North zvakare, mune nzvimbo inonzi Gandavacheche. Umo maikandwa vana vacheche vainge vafa. – PATRICK HWANDE, GOKWE NORTH.

CHIZIVISO:

MuZimbabwe mune nzvimbo zhinji dzine mazita anoshamisa kana asingazivikanwe nevamwe kuti akabva kupi. Mamwe mazita anobva pazviitiko zvakaitika, mamwe achibva pamazita evanhu kana madzishe. Asi mamwe mazita haazivikanwe kuti akatanga sei. KwaMurehwa kune nzvimbo inonzi Zorizozo, kuMhondoro kune kunonzi kwaDhodhi uyewo kuZaka kune kunonzi kwaMuroyi. Kana ukatsvagisisa, uchaona kuti mazita ose aya ane kwaakabva, uye ane zvaanoreva.

Kwayedza iri kukoka imi vaverengi kuti mutinyorere muchitiudza zita renzvimbo yamunogara nekuti sei yakapihwa zita iroro.

Tumirai tsananguro dzenyu makanyora kuti “KWAKABVA ZITA” ku:

Kwayedza, PO Box 396, Harare

Email: [email protected]

Munogona kusiya matsamba kumahofisi ose eZimpapers ari paHerald House muHarare, Chronicle House kuBulawayo, Manica Post kwaMutare, kuStar FM, kuGweru, kuMasvingo, kuChinhoyi, kuVictoria Falls, kana kuBeitbridge.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey