Uncategorized

‘Mari yejuju yandipandukira’

29 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
‘Mari yejuju yandipandukira’

Kwayedza

MUZVINABHIZIMISI wemubhuku raGufu, kwaMutoko, anoti ari kuoneswa ndondo nemasaramusi ari kuitika pamusha pake nekuda kwemishonga yaakaromba kun’anga iyo akazonodzosera ndokunzi aripe nemombe ina nembudzi mbiri.Zvisinei kuti anoti akanodzosera zvinhu zvaakaromba izvi, hapana zvazvakabatsira sezvo maminimini aya ari kungoitika.

Sekuru James Nyamukapa (94) vanoti vanogara vachitemwa nematombo vari pamusha pavo nezvinhu zvisingaonekwe.

Sezvinonzi zviri kuitika izvi zvishoma, pamusoro pemarata emba yavo vanongonzwa pachifamba zvinhu asi vasingazvione.

Vachitaura neKwayedza svondo rapera, Sekuru Nyamukapa vanotsinhira kuti vakaendesa mombe ina nembudzi mbiri kun’anga iri mudunhu ravo semuripo wekuti vadzosere mushonga wavakanga varomba vachida kugadzirisa matambudziko aiva pamusha pavo.

“Ichokwadi, ndakaendesa mombe ina kun’anga inonzi Tiyesi mushure mekunge ndamboenda kwaari ndichida mushonga wekugadzirisa musha wangu. Pandakasvikako, n’anga iyi yakanditi matambudziko ose emusha wangu aikonzerwa nemunhu aiva atora ivhu repaguva remutorwa ndokunomwaya pamba pangu zvinoreva kuti ndakanga ndava kugara nevanhu vakafa,” vanodaro Sekuru Nyamukapa.

Vanoti vakapihwa mushonga waiita senamo kana kuti huchi, uyo vakasvikomwaya mudzimba dzavo dzose nepachivanze pemusha wavakavaka mugore ra1980.

“Mumwe mushonga wandakapihwa ndakanzi ndizopisa mumwe ndochengeta. Ndisati ndaupedza kushandisa, kwakazouya maporofita vakandiudza kuti vaiona mushonga munyoro pamba pangu izvo ndakabvuma.

“Maporofita aya akanditi ndinodzosera mushonga uyu, uyo vaiti uri kukonzera matambudziko mumusha mangu.”

Sekuru Nyamukapa vanoti vakazobhadhara maporofita aya nemombe imwe chete ne$80.

“Muporofita ndakamupa muripo wake ndokuzoenda kun’anga kwaTiyesi ndichida kumudzosera mushonga wake wandakanga ndasara nawo uyo unonzi ndiwo uri kukonzera kusagara zvakanaka mumusha mangu. N’anga iyi yakasvikoramba kutambira mushonga uyu ichiti yaida kuti udzoke nemuripo wemombe ina, izvo ndakaita.

“Mombe idzi dzakatinhwa nemwanakomana wangu Tendai nemuzukuru wangu Innocent,” vanodaro.

Vanowedzera vachiti n’anga iyi yakazosvikotambira mushonga uyu waiva mupepa rechikweshe cheshuga.

Sekuru Nyamukapa vanoti n’anga iyi vakaipawo $60 pamusoro pemombe ina nembudzi mbiri.

Mumwe wevakatinha mombe idzi

kuendesa nadzo kumusha kwen’anga, Innocent Nyamukapa, anonzi akazorwara mushure memazuva mashoma vabva kunosiya mombe nemushonga achibva afa.

“Chakauraya Innocent hatichizive, akangofa achangobva kunosiya mombe idzi kun’anga iyi mwedzi wapera uyu (Mbudzi). Takatomuviga pano pamusha,” vanodaro.

Vanoti chiri kuvanetsa ndechekuti kudzosera kwavakaita mushonga uyu hakuna kubatsira sezvo masaramusi ari kuramba achiitika.

Musharukwa uyu anoti akambove muzvinabhizimisi aiva nemukurumbira paMutoko Centre kuma 1965 apo akavaka chitoro chake chikuru chaizivikanwa kwazvo asi akazobhuroka nekufamba kwenguva.

“Ndakavaka chitoro changu mugore ra1961, ndakazobhuroka 1977 ndichibva ndasiyana nazvo.” Sekuru Nyamukapa vanoti panguva iyi vaishevedza n’anga dzichiuya kuzosimbisa chitoro chavo izvo zvaiita kuti muchitoro mavo mutengwa kudarika zvevamwe.

“Ndaiva muzvinabhizimisi mukuru paMutoko Centre apa. Ndini ndakatanga kuvaka chitoro chikuru ndikazochitengesa. Panguva iyi ndaitora n’anga dzakasiyana dzichinomwaya mishonga muchitoro changu umo ndaitengerwa zvikuru,” vanodaro.

Sekuru Nyamukapa vanoti ivo nemudzimai wavo, Mbuya Grace Nyamukapa (83), havana rugare kumba kwavo nekuda kwedambudziko rematombo anopotserwa nezvinhu zvavasingaone uye nezvinhu zvinongofamba mudzimba nepachivanze.

“Hatirare mumba umu, ndatambura uye ndinoda kubatsirwa. Zvipfuyo zvangu zvapera nekubhadhara vanhu vasiri kundibatsira.”

Mwanakomana wavo, VaTendai Nyamukapa (51), vanotsinhira nyaya yekuti baba vavo vakaendesa mombe ina, mbudzi mbiri nemari kun’anga vachinodzosera mishonga yavakanga varomba.

“Baba vakauya kwandiri vachiti n’anga yaida mombe kuti vakwanise kudzosera mishonga yavakatora ikoko. Takazounganidza vemhuri yedu ndokuwirirana kuti tiendese mombe idzi, idzo ndakatinha ini naInnocent mwana wemukoma wangu.

“Innocent akazotanga kubatwa nemweya waiti waida mombe dzawo kusvikira afa. Saka ndinoti baba handivachenese, vakaromba,” vanodaro VaTendai Nyamukapa.

Vanoenderera mberi vachiti: “Pakauya mapositori pamba, mwana uyu afa akabata zvinhu zvinosanganisira makano apo aive pasi pemuti weMukonde uyo wakazotemwa. Zvinhu izvi zvakazopiswa.

“Izvozvi kune n’anga yekuBensen Mine iri kuuya ichiti baba vakapisirei zvinhu zvavakapihwa zvinova zvavasina kuwirirana nayo. Zvinhu izvi vakazvitora mugore ra1961, zvinoreva kuti n’anga iyi inoda kuripwa zvakare,” vanodaro.

VaTendai Nyamukapa vanoti mumhuri mavo vari kufa zvisina tsarukano uye pose pavanofamba vanobata Sekuru Nyamukapa.

Sekuru Nyamukapa vakatsenga-tsenga mukanwa pavakabvunzwa pamusoro penyaya yekuti vari kupomerwa kuti ndivo vakakonzeresa rufu rwaInnocent.

Vanoti semunhu akabata-bata mishonga yakaipa, havachaziva kuti mamwe ematambudziko emumhuri mavo ari kukonzerwa nekuromba uku here.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naMbuya Nyamukapa kuti vapewo divi ravo panyaya iyi sezvo pakashanyirwa dunhu iri vakawanikwa vafamba rwendo.

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey