‘Matambiro eAston Villa akandigumbura’

23 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

MURAIRIDZI weAston Villa, Tim Sherwood, anoti ave kugumbuka zvakanyanya kana achitarisa matambiro ari kuita chikwata chake icho chiri kudzikira zvikuru. Sherwood ari panguva yakaoma zvichitevera kukundwa kwakaita chikwata chake 2-0 neChelsea svondo radarika izvo zvakachisiya chiri pedyo nekudzikira kuenda pane zviri kurwira kuti zvisabude muligi, uye chave nemitambo mishanu chichigokundwa chete.

“Masvondo adarika hapana change chiri kumbonakidza, ndanga ndisiri kunakidzwa nezvandange ndiri kuona munhabvu. Vatambi vari kungomhanya kwose-kwose vachidzokera shure izvo zvandisina kumbovaudza kui vaite. Ndiri kuvaudza kuti chingozvirakidza zvauri iwe chete,” akadaro Sherwood.

Vatsigiri vechikwata ichi vari kubuda pachena kuti havasi kufara nematambiro achiri kuita mwaka uno, asi Sherwood anoti achatsvaga nzira dzekuchibatsira kuti chigopona muBPL.

“Handizombotadze kugadzirisa dambudziko riripo iri,” akadaro. “Ndakambosangana nazvo kare. Ndiri kuedza kuvadzidzisa kuti ngavasatye kana vapinda mumutambo uyu uye ngavasatye kukundwa. Kana paine anofanirwa kutya kukundwa ndini ini. Asi handisi. Ndiri kuedza kupinda muhondo kuti titambe tigohwina.

“Ndiri kuedza kutsvaga nzira chaiyo iyo ingatibatsire kuhwina mitambo yedu, tiri chikwata chiri kusimuka uye chine vatambi vechidiki vakawanda. Izvi zviri pachena zvinoonekwa nemunhu wose.

“Ndinoyemura zvikuru kuona kuti vatambi vose vari kuzama kutamba nenzira iyo yandiri kuvadzidzisa kubvira vadzoke kubva kumitambo yenyika dzavo, vari kutamba vane hushingi mukati izvo zvandinoziva kuti zvakakosha chaizvo kana muchida kuhwina mitambo yenyu.” — Sky Sports News

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey