Uncategorized

Mbudzi yodya nyama, mapfupa

03 Sep, 2020 - 12:09 0 Views
Mbudzi yodya nyama, mapfupa Mbudzi inonzi yakarasirirwa

Kwayedza

Ray Bande ari kuCHIPINGE

MBUDZI inonzi yakatetereka nenyika iri kugara panzvimbo yemabhizimisi eChako, kuMt Selinda, kuChipinge ichizviraramira yoga kwemakore mana adarika uye inofarira zvikuru kutsenga mapfupa enyama.

Kunyangwe zvazvo nyaya yekwakabva mbudzi iyi ichitaurwa nepakawanda, ine nzira dzayo dzekurarama dzisinganzwisisike dzinosanganisira kudya miriwo nezvimwe zvinhu zvinotengeswa nevanhu pamusika uri panzvimbo iyi.

Kana yave nenyota, mbudzi iyi inoziva nzira yekuenda nayo kuchibhorani chiri munharaunda.

Vanhu vanogara munzvimbo iyi vanofunga zvakasiyana pamusoro pembudzi iyi.

Muzvare Nyarai Mazhambe, vanoshanda pane chimwe chitoro vanoti, “Mbudzi iyi inoita semunhu. Inodya muriwo uye nguva zhinji inotandanisa vanoita basa rekutengesa yosara ichidya zvinhu zvavo zvinosanganisira makotapeya, mabanana nemimwe michero pamusika.

“Inotsvagawo chikafu mumabhini pamusika uripo uye dzimwe nguva inodya mabhonzo enyama sezvinoita imbwa. Kana yave nenyota, inoenda kuchibhorani chiri pedyo,” anodaro.

Vagari vemunharaunda iyi vanoti vakazama kuibvisa asi zvakaramba.

“Pane vamwe vachidiki vakambozama kuitengesa kune mutyairi wegonyeti asi yakaramba kusungwa netambo. Vanhu vaivepo vakashamiswa apo mbudzi iyi yakamira nemakumbo maviri ndokurwisana nevechidiki ava kusvikira yavakurira simba ndokupunyuka,” anodaro Mazhambe.

Mumwe muzvinhabhizimisi wepanzvimbo iyi, Simba Munamba, anoti mbudzi iyi hainyatsozivikanwa kwayakabva.

VaKandiyero

Anoti vanhu vakawanda vemunharaunda vanofunga kuti yakaita zvekurasirirwa.

“Takambonzwa kuti yakatanga kuonekwa ichiri diki pamahofisi ePost Office emuno makore mana adarika uye iri kungozviraramira kubva ipapo.

“Asi, kune vakawanda vanoti pane mumwe munhu akairasirira pano mushure mekuiisa mamhepo. Ndosaka pasina munhu ane chivindi chekuiuraya. Vanhu vanofunga kuti mweya wakaipa uri mairi unozotambudza munhu anenge aiuraya,” anodaro Munamba.

Mudzimai wechikuru akati anonzi Mai Makhuyana anoti mbudzi iyi ine simba rinoshamisa.

“Mbudzi iyi ine simba rakawandisa, kudarika raungafunge. Vamwe vechidiki vaida kumboiuraya kuti vozogocha nyama yacho paKirisimasi yadarika asi vakazviparira sezvo mumwe wavo akazoenda kumba akuvadzwa,” vanodaro.

Mukuru wesangano rinomirira vanachiremba vechivanhu, reZimbabwe Traditional Healers’ Association, VaGeorge Kandiyero vanoti mbudzi dzinoshandiswa kuitiswa mhiko dzakasiyana pachivanhu nekudaro iyi inogona kunge yakarasirirwa.

“Zvinosuwisa kuti mhuka dzakawanda, kunyanya mbudzi, dzinoshandiswa zvisiri izvo. Zvinogona kuitika kuti pane akaisa mweya wakaipa pambudzi iyi. Mweya wengozi unogona zvakare kunge wakaiswa pambudzi iyoyi.

“Mune imwe nyaya yakada kufanana neiyoyi, mbudzi yakaonekwa yakasungirirwa tambo muhuro mayo uye nemari. Ukatora mufananidzo wembudzi iyi, mari yacho haibude pamufananidzo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey