Uncategorized

Mhondi yakadya nyama yemunhu

16 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
Mhondi yakadya nyama yemunhu

Kwayedza

. . . ikanwa ropa rake
. . . ndokuzozvirutsa

Kingstone Mapupu

MUNYAYA inotyisa zvikuru, murume wechidiki wekuTongogara, kuGokwe, akasiya vanhu vasina nechokutaura mushure mekuyambuka rwizi Sanyati, ndokunosvika pamumwe musha uri kumapurazi ekuChenjiri, kuSanyati, apo akasvikoponda mukadzi wepo achiita zvekumuruma nekumudzura nyama – mushure ndokuzonwa ropa racho kusvikira ramuzvimbira – rimwe ndokutozorirutsa pamwe chete nezvidimbu zvenyama.

Mai Annah Masunda (57) vanonzi vakafa pakarepo vachiita zvekurumwa nekunwiwa ropa naAnywhere Thembo (27).

Izvi zvakaitika nemusi wa31 Nyamavhuvhu papurazi rekwaNyoni kana kuti Masunda, kuChenjiri, pasi paMambo Hozheri.

Mushure memazuva mashoma izvi zvaitika, mhondi iyi inonzi yakazofawo.

Kana zvichitariswa nekudzika kwainge kwakaita mamwe maronda pamutumbi nemumusoro memukadzi uyu, Anywhere anofungidzirwa kuti akasevenzesa zvimwe zvombo, kwete mazino bedzi sezviri kutaurwa.

Murume uyu anonzi akatanga aedza kubata chibharo vakadzi vaviri kumusha kwake asati anoponda Mai Masunda.

Musha waMai Masunda

Musha waMai Masunda

Pakasvika vanhu pamutumbi uyu, vanonzi vakanhonga zvidimbu zvenyama nyoro yaiva yabviswa pachitunha ichi ichiita zvekurumwa.

Panguva iyoyi — Anywhere — uyo asina kumbotiza, anonzi aitorutsa zvake ropa remufi raaiva anwa nezvidimbu zvenyama uye mumazino ake maiva makarembera dzimwe nyama.

Anywhere akazosungwa nemapurisa nekuda kwenyaya iyi asi ndokuzoshaika svondo rapera.

Musi waitika izvi, Anywhere, uyo aibva mubhuku raGaba, anonzi akabva kumba kwavo zuva rodoka achienda kusina aiziva apo akanga apedza mazuva achitsanya.

Zvinonzi akafamba mutunhu unodarika makiromita matatu, ndokunoyambuka rwizi rwaSanyati apo akanosvika pamba paMai Masunda achibva avaponda pasina mhosva kana kutadzirana.

Hanzvadzi yaMai Masunda, VaJoseph Mangena (49), avo vanobva kuZvishavane, vakawanikwa neKwayedza svondo rapera vari panhamo yaMai Masunda uye vanoti rufu urwu rwavarwadza zvikuru.

“Ndakafonerwa ndiri kumusha ndichinzi pamba pavo pasvika munhu achiti anoda kuuraya vanhu akasvikotanga nekumba yekubikira uko akawana kuine mushandi anonzi Albert Maravanyika. Albert akazotiza nevana achienda kuimba yekurara kwaiva nagogo (Mai Masunda) achisiya murume uyu oga,” vanodaro VaMangena.

Vanoti Mai Masunda vaitogadzirira kuenda kumunamato kuchechi yavo yeJohane Masowe weChishanu uko vaida kunorara zuva iri.

“Anywhere aona vana ava vatizira kubhedhuru, anonzi akatevera ikoko apo mai ava vaida kubuda kunoona kuti munhu aitaurwa uyu aiva ani. Vakasangana naye achibva atanga kuvarwisa mu’corridor’ yemba yavo.

“Albert akazopoya nepahwindo nevana ndokumhanyira kupurazi rakavambirana navo, rekwaMasawi, uko vakazodzoka nemotokari naVaMasawi,” vanodaro.

Vanoti VaMasawi vakazodzoka vaine motokari yavo nevana vainge vatiza ava nevakomana vavo vebasa vaviri.

Vanhu ava, vanodaro VaMangena, vakasvikotambirwa naAnywhere kumota achitaura mashoko aisanzwisiswa.

“Murume uyu anonzi akadzokera kuimba yekurara kwainge kwasiiwa Mai Masunda, apo VaMasawi nevamwe vakatevera vakanomuwana akahwanda kuseri kwegonhi. Vanhu vose ava nekutya, vakazodzokera kumugodhi waVaMasawi uko vakanotora vamwe varume. Ndipo pavakazobata murume uyu ave kutobva pamba apa vachibva vadzoka naye kumba uku,” hanzvadzi yaMai Masunda inorondedzera.

VaMangena vanoti apa ndipo vanhu ava vakawana Mai Masunda vauraiwa, mumba makazara ropa nezvidimbu zvenyama dzechitunha.

“Muromo wemurume uyu unonzi waiva uzere ropa nenyama mbishi kurakidza kuti aidya chitunha ichi nekunwa ropa. Vaivapo vanoti akabva atanga kurutsa ropa nezvidimbu zvenyama yaaiva adya,” vakadaro.

VaJonathan Nyoni (44), avo vanove mwana kumushakabvu, vanotsinhira nyaya yekuti Anywhere akauraya Mai Masunda achiita zvekuvaruma uyewo ndokunwa ropa.

“Murume uyu tamusunga, takarara naye kusvika mangwana acho kuma4 dzekuseni apo mapurisa vakauya vakamutora, ndokuzoendesa mutumbi kuchipatara cheSanyati nemusi wa1 Gunyana uko wakazodzoka musi wa3. Takauviga nemusi wa4 Gunyana pano pamusha,” vanodaro.

Vanoti vakazongonzwawo kuti murume wekuponda Mai Masunda uyu akafa mushure mesvondo izvi zvaitika.

“Hamheno, tinongonzwawo vamwe vachiti akafa nekuda kweropa raamai vedu raakanwa uyewo nekudya kwaakaita nyama yavo,” vanodaro VaNyoni.

VaMangena vanoti hapana zvavakaripisa mhuri yaAnywhere sezvo vachiti “mushakabvu acharwisa oga”.

“Ko haisi hukuka iyi, uyu mwana weMaduma waakauraya. Zvichapedzerana naiye mufi, hatizororewo kusvikira adzosera zvinotigutsa,” vanodaro.

Vanoti nyaya inonetsa ndeyekuti mbatya dzaiva dzakapfekwa nehanzvadzi yavo hadzina kuwanikwa.

Vanowedzera vachiti mutumbi waMai Masunda wakawanikwa usina mazino ose zvakavashamisawo kuti vazive kuti akabviswa nei uyewo zvichiitirwei.

Pakasvika vatori venhau papurazi rekwaNyoni, pakawanikwa paine vehukama vaiva vasarira pakavigwa mufi avo vaisanganisira vana vepo vanoti Baka Masunda (26), Fungai Masunda, Elizabeth Masunda naNthombizodwa Masunda (19). Baba vepamusha apa, VaPhillimon Baka, vanonzi vakashaika mugore ra2012.

Kwayedza yakaendawo kunoona hama dzaAnywhere kuGokwe uko vakawanikwa vari parufu rwake.

Sekuru vaAnywhere, VaFanuel Jameson (62) — avo vanobva kwaMushimbo, kwaMambo Chimoyo, kwaMutoko — vanoti muzukuru wavo akasvika pakuponda Mai Masunda mushure mekunge atandidzirwa mweya yakaipa uye, sekuziva kwavo, ange ari murwere wepfungwa.

“Ndakashamiswa nezvakaitwa nemuzukuru wangu, kunzwa kuti akanoponda munhu kumhiri uko. Munhu zvake airwara nepfungwa semaziviro angu. Nyaya hombe ndinoti akaberekeswa nevavengi kuti anoponda amai ava.

“Ndinonzwa kuti akanwa ropa nekudya nyama yemufi uyu kubvira achiri kupupa. Handisati ndambozviona kana kuzvinzwa, handisati ndamboona zvakadaro,” vanodaro.

Baba vaAnywhere, VaLove Thembo (80), vanoti mwana wavo — uyo aive wechipfumbamwe mumhuri yavo uye aine mupatya wake — airwara nepfari.

“Zvizhinji hapana chandingataure, asi mwana uyu aiva nezvifa-zvifa kana kuti pfari,” vanodaro.

Zvisinei, VaThembo havana kuda kutaura zvakawanda nekuda kwefiro yemwana wavo.

Mudzimai wavo, Mbuya Esnathi Ndakaziva Thembo (64), vanoti vanoshamiswa nekuponda kwakaita mwana wavo nekuzofawo kwake.  “Ainge apedza mazuva achitsanya apo akaramba kudya achirambidza muzukuru wake musikana kugeza,” vanodaro amai vaAnywhere.

“Akabva pano manheru isu ndokuzonzwa husiku hwacho kuti aponda Mai Masunda kumhiri kwaSanyati. Imhepo,” vanodaro.

Hanzvadzi yaAnywere, Farai Saidi (40), anoti kunyangwe zvazvo mwana waamai vake akaponda, ari kurwadziwa zvikuru nefiro yake.

“Akaponda zvake asi tinorwadziwa zvikuru nemafiro ake. Takanzwa zvekufa kwake neMugovera wadarika ndokuzomuviga neChipiri chino 6 (Gunyana) September,” anodaro Saidi.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara, vanoti nyaya iyi yakasvika kumahofisi avo asi vanoda nguva yekuongorora mafambiro chaiwo ayakaita.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey