Mitambo yakare

06 Jan, 2017 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga—

INO inguva yekufara. Vanhu pasi rese vari kupembera kubva kutanga kwemwedzi waZvita dakara panozopera mwedzi waNdira.

Zvakawanda zvinopembererwa kusanganisira Kisimusi, kupera kwegore, nekutanga kwegore. Mbesawo dzinenge dzotubuka muminda zvoreva kuti shiri nemhuka dzinopemberawo upenyu hutsva.

Kupembera uku kunoitwa nenzira dzakasiyana, vechimanje-menje vanoita mabiko apo vanhu vanodya zvikafu zvakasiyana vachiridza mimhanzi pamadzimudzangara akati kuuya aya, vachipfichuka haikona zvekutambva.

Izvi zvinonyanyoitika munguva yeKisimusi nenguva yekupembera gore idzva. Mimhanzi ine mukurumbira sana “Tenda gore ropera” inobva yadandaurwa. Inguva zvakare yekugamuchira nekupihwa zvipo. Vamwe vanoenda kumabhaisikopo vachinoona mitambo nevadikani vavo.

Ndiyo zvakare nguva inoshanyirwa vanhu. Vazhinji vemudhorobha vanoenda kumisha kunodyira kunofara ikoko vachiita sadaka rekuzadza tsero nechingwa nekudya mupunga nenyama, zvimwiwa zvinenge zvakadzipiwa haikona kutaura pamataundishipi. Iwo mucheno wakapurirwa.

Makarekare vanhu vaiva nenguvawo dzavo dzavaisangana vachipemberera.

Vakomana nevasikana vaifarira jenaguru. Munguva yejenaguru vakomana navanasikana vairara vachiridza ngoma vachipemberera goho uye kuchena kwemwedzi wakazara munguva yechirimo apo mabasa ainge ari mashoma. Zvikomana zvaibuda mashavi mukurova ngoma vasikana vachikicha kutamba makwa nemawoko zvichirohwa.

Jenaguru ndiwo mumwe wemitambo yaiitwa kare. Pamusoro pejenaguru kwaiitwa yakaita sechinyambera, mbukuma, jerusarema, shangara, kuvaShona. Kuvanhu vaigara kare kuMatebeleland vaitambawo mitambo inoti amabhiza, amanthomane neisithikitsha.

Mbukuma mutambo unoitwa mushure megoho rakanaka. Mutambo unoitwa kuMasvingo. Matambirwo emutambo uyu anonzi jekechera. Panodiwa ngoma mbiri dzichidandaurwa nemunhu mumwe chete.

Mutambo uyu unowanzotambwa munguva yeChirimo. Mbakumba yaiitirwa kupemberera mazuva ekuzorora kubva mubasa guru rekurima nekukohwa.

Mhande ndiwo mumwe mutambo waitambwa kare nevakuru pachidanwa masvikiro ekunaisa mvura, vaya vanonzi nyusa. Pamutambo uyu paibikwa doro raikumikidzwa kuvadzimu nemasvikiro vachikumbira mvura kana isati yanaya.

Dinhe mutambo wakabva kumaKorekore panobikwa doro rekucherechedza nekuremekedza mudzimu. Vanhu vanoitira mutambo uyu vari muimba yekubikira apo doro remidzimu rinoiswa pachikuva. Mutambo unotambwa vanhu vachitevedzera marwiro ehondo.

Chinungu chinotambwa navanakomana nevanasikana kupemberera muroora mutsva kana muchato. Shangara inotambwa kunyanya kuMashonaland Central apo panoita mbira nehosho nengoma. Zvihwere  rinotambwa nevakadzi apo vanenge vachida kuti varume vavo vasununguke nekuvafarira.

Chiyambera mutambo wakatangira kuBikita neChipinge unoitwa nevavhimi vasati vaenda musango. Uyu mutambo unotambwa nevarume nevakadzi kutunzva vashavi.

Chimutare mutambo unotambwa nevakadzi kuti varume vagosarudza vavanenge vachida.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey